Nziyo Dzekereke

Reformed Church Zimbabwe International

"Imbai kuna Jehovha rwiyo rutsva."
— Mapisarema 96:1
Text size:

001 Hareruya! tenda-i SHE RCZI

Verse Hareruya! tenda-i SHE Mupire Bambo, vakudzei Ndivakasika zvose! Unyoro hwavo chiimbai, Masimba avo rumbidzai, Vakudzwe nesu tose. Hareruya! tendai Jesu; Wakaburukira kunesu Kurwira vanhu vose, Upenyu hwake wape’su, Wafire zvivi zveduwo, Akudzwe nesu tose. Hareruya! noMweyawo. Chimutedandai saizvozvo, Mumupei mwoyo wose. Unotitungamirira, Achitirayirawo, Akudzwe nesu tose. She, Bambo, Mwana, Mweyawo! Tinomuonga-i nesu Nenziyo dzedu dzose, She wedu, tinomukudzai, Tichida kumurumbidzai. Mukudzwe nesu tose.

002Wedenga ndiSHE ogaRCZI

Verse Wedenga ndiSHE oga Mumukudzisei mose! Hakuno womukunda. Wakatiumba tose. She wedu ’yu mukuru sei! Mibato yokurirwa nei? Zvikuru zvose zvake. Ha’chavi nokuguma. Usakatanga ndiye; Hakuna womuziva, Ha’ngaonekwi iye. Tinongova vadoko sei, Ukuru hwaSHE tiimbei, Wakatangira zvose. Nesimba takamutswa, Upenyu takapiwa; Mwari wakatisika, Naye tinochengetwa; Ndiye wenjere huru sei, Unyoro hwake tikudzei, Nairo simba rake.

003Hapana paasi riRCZI

Verse Hapana paasi ri Wedenga Bambo SHE; Bva posewo patiri Ndipo paari SHE! Mirangariro yose Painokwirapo Kum’soro pasi pose, Wedenga uripo! Hapana zvinhu zvose Zvinodarikwapo; Vanomutenda vose Vachachengetwawo! Mazana ezvishiri, Nebundo nairo; Nyanguvawo makonye Worinda zvose’zvo. Zviri munyika yose Zviri mumvurawo. Nezvinofamba pose Zviri mudengamo; Zviumbwa zvake zvose Uchazvinyimirei? Mazuva ose ose Zvinochengetwa sei! Bva vana vaSHE Bambo Votaririrwawo; Uri parudyi rwavo, Nokuruboshweko. Pavanoshayiwa simba, Panhamo dzosewo, Nyanguvawo parufu Wedenga uripo!

004SHE Wedenga, matsawurwaRCZI

Verse SHE Wedenga, matsawurwa, Zvokwadi munoda; Makaisvo-shananguka; Muri chiedza choga; Mutivenekerewo Noushanangwarwa’hwo, Tigofunga zvokum’soro, Tigoshanangurwa mwoyo! Makaisvo-shananguka, Munobwinya kwazvo; Navatumwa vokudenga Vafukidza meso; Tirivakashate’su, Zvivi zvotikundawo, Tinosikoniwa chose Mirayiro yenyu yose SHE Wedenga matsawurwa, Tifanane nemi; Tigoda ushanangurwa, Tichitiza zvivi Tigozosvikirapo. Pakudenga ikoko; Tigoimba navatumwa Nziyo dzavakashanangurwa.

005Unyoro hwaSHE hwakakuraRCZI

Verse Unyoro hwaSHE hwakakura Unoda vanhu vose Usingaongi SHE wenyasha Ndiwakashata chose! Ndinoda hangu kumupira Kutenda, nokuonga Ndiunosindirangarira Neni ndichamufunga Unosindichengeta iye Ini ndinositadza Unondiperekedza ndiye Ini ndinonyangadza Unondipa mumwoyo mangu Mufarowo mukuru Ndinositaririrwa hangu Nenyasha dzake huru Wedenga, ko handingamudi Unyoro hwaSHE wangu Ungarayira, ndisinganzwi Ko ndingaramba hangu Hai kwete, mwoyo wangu wose Unoda kumufadza Ndimushumire misi yose Navanhu ndichivada

006Ukuru hwenyu hwoseRCZI

Verse Ukuru hwenyu hwose Hunoonekwa kwose Imi Muumbi wedu Usiku tinoona Zviendza zvokudenga Zvorinda musha wenyu Bva zuva rinobwinya Rinositionea Chiedza chenyu, Bambo Rinositiratidza Ukuru, uye nyasha Unyoro hwaSHE wedu Pavanhu, mhuka, miti Panoonekwa njere Ndimi makazviumba Muchingozvichengeta Musinganyari, Bambo Zviumbwa zvose izvi Makomo, gungwa, miti Zvinoparidza rudo Namanzwi azvo ose Anotiudza tose Nemi mukudze Bambo Panzizi napagungwa Maware, dutu, mvura Tongokanuka zvose Misodzi inobuda Pameso, tichiona Manenji enyu ose Wedenga wotirinda Mapfumo unodzinga Wotichengeta pose Ndoutiziro hwedu Panhamo naparufu Bwe redu nhambo dzose Bva nyangwe zuva raenda Nomwedzi ukasviba Hatingasha’iwi mwenje Kudengako Bwizana Richativenekera Tichandoona nenji Tichandozarurirwa Zvatanga tavanziirwa Panyika inokuno Tiri vanana hedu Bva unoda SHE Jesu Kudenga ndimukuru.

007Hareruya mutendiwe poseRCZI

Verse Hareruya mutendiwe pose Murumbidzwe kwazvo, SHE Pano pasi nokum’soro kwose Muongiwe nesuzve Bambo mutitarire norudo Jesu chitipaiwo nyasha dzenyu Mweya, chitinyaradzai Nesu tose chigarai.

008Jehova wondirisaRCZI

Verse Jehova wondirisa Ndichazoshayiwei Unongosindifudza Pamvura chena sei Munoponesa mweya Munondiisazve Panzira yakanaka Nokuda kwenyu, SHE Handingatongotyi swi Nairwo rufuwo Mudonzvo womurisi Wondinyaradza’po Munongosindigutsa Munondinwisawo Munondipakurira Mapfumo aripo Musoro munozodza Munondifadzawo Mukombe wakazara Nenyasha irimo Bva nyasha dzake dzose Dzichandifadza sei Ndogara misi yose Mumba maiye SHE.

009SHE Jehova mundiiseRCZI

Verse SHE Jehova mundiise Pamakwara enyu Mwaya wenyu udzidzise Ini, mwana wenyu Munditungamire Ndigoziva kuchengeta Mirayiro, uye Misi yose kumutenda Nyasha dzaSHE dzakakura Hadzina kuguma Uchadzosa varashika Nokuvarayira Uchiperekedza Vanomwoyo wakanaka Vanonyengerera Uchivaratidza nzira Ndiani unoda iye Nokumushumira SHE wedenga ndiamene Uchamudzidzisa Ndiye uchawana Fuma huru yokudenga Nhaka ichapiwa Vana vake vanomuda Muchengete mweya wangu Musandisvodesa Ndimi utiziro hwangu Ndichasimutenda Ndinomumirira Mundirwire noruoko Ndinodanidzira Nditumirwe raramiso.

010Wedenga Bambo SHE tendaiRCZI

Verse Wedenga Bambo SHE tendai Unyoro hwake rumbidzai Uya-I zvino, swederai Namanzwi enyu chiimbai Wedenga wedu ndiye SHE Wakatiumbawo iye Wakatirinda samakwai Tichirisiwa zvakadai Muimba yake chipindai Mukati mayo chiimbai Mumukudzise imomo Nomwoyo, nomuromowo Nokuti ndiWedenga SHE Mukuru pana vose’ye Unyoro hwake kunese Nenyasha hazviperiwo.

011Ongai, ongai Wedenga SHERCZI

Verse Ongai, ongai Wedenga SHE Varanda vake mose’mi Muimba yake svinurai Mugomukudza muchidai Maoko enyu murudzai Nameso enyu tarirai Wedenga wenyu rumbidzai Uya-i, mose gwadamai Mufadzwe noWodenga SHE Mutaririrwewo naye Wasika zvose, muongei NdiSHE wavashe, mukudzei.

012Kudza SHE Wedenga wakoRCZI

Verse Kudza SHE Wedenga wako Iwe, mweya wanguwo Ndichamurumbidza hangu Nokumuimbirawo Ndichi pano pasi’ni Ndichasingokudza SHE Musatenda vashe vose Nyangwe vanhu vakadai Havamubetseri chose Kuvatarira regai Vachidanwa norufu Simba ndokuperawo Une ropa rakanaka Unotenda iye SHE Uyo unosimuita Utiziro hwakezve Unositizirako Achisingovandamo Ndiye SHE wavashe vose Une simba guru sei Uchabata ushe hwose Zion, uyu SHE kudzai Zita rake rumbidzai.

013Richava zuva guruRCZI

Verse Richave zuva guru zvirokwazvo Nhapwa dzeZion dzichadzoswazve Zvikuru zvatichazofadzwa nazvo Savanorota, vozipirwa sei Miromo ichazara kudzo huru Nemipupuro ichazonzwikawo Zvichanzi Zvokwadi ndizvo zvikuru Zvaita Jehova SHE naivavo Ndizvo zvikuru, nesu tinodaro Zvataitirwa naJehova SHE Ndizvo zvinotigutsawo mufaro Zvinotigadza norugare sei Dzokesa, SHE vagerewo kudzoka Vanongogara vakasungwapo Mafuro enyu ave namapoka Senzizi dzichizara mvurawo Dzokai vatapwa, chitiza-i njodzi Munongotendawo kuchema nei Munosikusha mbeu dzemisodzi Zvinotifadza zvakawanda sei Regai kukohwa shungu muchidero Uyai! Ticheke zvakatipa SHE! hende,I, tisenge mwanda nomufaro Nhapwa dzeZion dzinodzoswazve!

014She, gomo redu ndiimiRCZI

Verse She, gomo redu ndiimi Noutiziro hwedu Masimba edu, uyezve Munhamo nhare yedu Zvapasi zvosewo Hazvichatyisi’su Makomo ngaawe Maware abvezve Mwari unesu tose Vatendi vake musatya Vavengi vachiwanda Iye amene unorwa Umire navaranda Nashe werimawo Ha’achatikundi’su Wakakurirwa sei Uchino ushe hwei Mwari unesu tose Bva misha yenyu, Tenzi SHE Inake nomugao Nedzimba dzenyu dzivezve Matsime omufaro Patinosimunzwai Tinomufarirai Pakati pedu, SHE Tiimbe, tichiti Mwari unesu tose Uyai vehama, tarirai Zvaita Tenzi wedu Vendudzi dzose, nyararai Mutende shoko redu Ratinokuudzai Tichikududzirai Jehovha ndiye SHE Tipike tosezve Mwari unesu tose.

015Tendai Jehova wesimbaRCZI

Verse Tendai Jehova wesimba ndiSHE wamadzishe Mwoyo ufare, uimbe ukudzewo iye Chiunganai Ndimiwo dzose mutsai Zvimbo zvose muiimbe Tendai Jehova! waumba isu zvakanaka Watifambisa, tataririrwawo zvakabata Chifarirai Nemisi yose kudzai Nyasha yaBambo Musiki Tendai Jehova, muiti mutariri wenyu Unositipa mufaro, masimba upenyu Chimuongai Unyoro hwaSHE imbai Watipedzera ukosha Tendai Jehova, nokuti mamupa kufara Nyasha mapiwa naye Musatongoparara Rangarirai Rudo rukuru, onai Ndorwa Jehova Wedenga!

016ChiunganaiRCZI

Verse Chiungana-i Tikudze Tenzi wedu Chisimuka-i Tivambe nziyo dzedu Hareruya! Hareruya! Chifarira-i She wakatiponesa Bva chikudza-i Wakatiraramisa Timukudzei, timukudzei! Chimuonga-i Nokuti zvirokwazvo Muchingoda-i Munomufadza nazvo Unozvida, unozvida! Chiterera-i Neme masara sure Chiswedera-i Mamirire-i kure Tiimbisei! Tiimbisei! Chibvumirai Nemiwo, ndudzi dzose Chirumbidza-i SHE wamadzishe ose Hareruya! Hareruya!

017Kudzai SHE vatumwa voseRCZI

Verse Kudzai SHE, vatumwa vose Vokudenga ikoko Zuva, mwedzi, denga rose Chikudzai SHE wenyuwo Kudzai SHE wakangoreva Zvose ndokuvapowo Zvose unozvichengeta Zviumbwa zvose’zvo Kudzai SHE, mukuru ndiye Wakakunda norufu Vana vake vamutende Simba rake richi’po Kudzai SHE, wakatirwira Simba rake rumbidzai Vokudenga napanyika Zita rake paridzai.

018SHE wendudzi dzoseRCZI

Verse SHE wendudzi dzose Tinomuuchira Tendai tichimuimbira Makasika vose Zvose zvose ndezvenyu Isu tiri vanhu venyu Jesu SHE mutinzwei Tichimuimbira tichimushumira Vokudenga vose Ongai Tenzi wenyu Nokunatsa nziyo dzenyu Timukudze tose Zuva, uye mwedzi Nyeredzi, tendaiwo nemi Chipindai Muchida Zvose zvapanyika Kudzo igonzwika Newe mwoyo wangu Vamba rwiyo rwako Namasimba ako ose Nemi hama dzangu Swederai pedyo Tirumbidze Tenzi wedu Chiitai Savanyai Imi, ndudzi dzose Mumuonge mose Norugare rwenyu Imi, Tenzi wedu Ruvewo mukati medu Hareruya yenyu Tichazoigona Musi watichamuonai Tipeizve Nyasha SHE Nomufaro wenyu Isu, vanhu venyu!

019Chikudzai Wedenga BamboRCZI

Verse Chikudzai SHE, chikudzai SHE, SHE Wedenga chikudzai! Chikudzai SHE wakatida! Chikudzai wakatitenga, Ushe wakatipa SHE. Chikudzai SHE, chikudzai SHE; Jesu Kristu chikudzai! Chikudzai SHE wavatumwa; Tose ngatimukudzei! Tenzi wamarudzi ose, Tenzi wedu ndiyezve. Chikudzai SHE, chikudzai SHE, Kudzo dzose chimupai! Chikudzai SHE, musanyara, Ngatimuimbirewo; Fuma, simba, uye ushe, Zvose zvake izvozvo. Chikudzai SHE, chikudzai SHE SHE wavashe chikudzai.

020Makashananguka Munesimba GuruRCZI

Verse Makashananguka, munesimba guru Tichamuimbira, SHE, mazuva o..se Makashananguka, munenyasha huru Bambo, noMwana, uye Mweya Makashananguka, vose vokudenga Vanomukudzisako vachigwada..ma Vokubwinya vose vanomurumbidza Ndimi musina kuzogu…ma Makashananguka! Nyange madzitirwa, Meso edu ha’muoni; tine zvivi Imi moga moga, hakuchino mumwe Mwene wesimba, uye ru…..do Makashananguka, mune simba guru! Zvose zvichamukudzai panyika yo…..se Makashananguka, mune nyasha huru! Bambo, noMwana, uye Mwe…..ya

021Chikudzai SHERCZI

Verse Chikudza SHE wokudenga Zvipo zvenyu chimupai Makarwirwa, manatsiwa Kudzo yake chiimbai Chikudzai SHE, chikudzai SHE Wokusingaperi’ye! Madzibambo akaona Nyasha dzake, rudowo Nesu nhasi tinopiwa Komborero saivo Chikudzai SHE! Chikudzai SHE Nyasha dzake chiongai! Bambo vedu vanoziva Tine simba doko sei Namaoko vatibata Zvino tichatyiswa nei Chikudzai SHE! Chikudzai SHE! Nyasha dzake chiongai Navatumwa vokudenga Tibetserei kukudza SHE Zuva, mwedzi, nemi vanhu Gwadamai! Ongai iye Chikudzai SHE ! Chikudzai SHE SHE wenyasha chikudzai!

022Tarirai zviri kudengaRCZI

Verse Tarirai zviri kudenga Zuva, mwedzi, nyeredzi Muchida kuzviverenga Hamungazvipedzi’zvi Kunyanguva zvakawanda Mumwe unozvifambisa Mwene wazvo uripo! Tarirai zvenyika zvose Miti, nzizi, mabwewo Uswa hunomera pasi Mvura yomudenga’mo Mwoto, rima, uye dova Mhepo, chando chinorova Mwene wazvo uripo! Tariraiwo zvinofamb Nzou, nen’ombe, mhukawo Ngwena, hove, zvoshambira Zvinobhururuka’po Zvose nokuwanda kwazvo Unozvipa kudya kwazvo Mwene wazvo uripo! Tarirai navanhu vose Mungarava ndudzi pai Uye ruya boka rose Mukudenga ravanyai Bambo vanotida tose Vanotaririra zvose Mwene wazvo uripo!

023Usiku ihwohwoRCZI

Verse Usiku ihwohwo! Vose vovatapo Bva vorinda ndiBambo naMai Vasvinura pamwana, onai Tisvinure nesu! Usiku ihwohwo! Jesu wakatida Wakauya panyika kudai Wakaberekwa nhasi, farai Ngatifare nesu! Usiku ihwohwo! Vouragu uko Vakaona vatumwa vaSHE Vachiimba, svikai: Rugare Rwakasvika pasi Usiku ihwohwo! Todo kududza SHE Nesu tinomufarirawo Sezvaita varisi uko Tomuonga nesu!

024Nyeredzi iwe wopfuuraRCZI

Verse Nyeredzi, iwe wopfuura dzose Tivenekere murima re…..du Woubvazuva, chiedza chazvose Tiperekedze kuMwana Jesu! Vamuradzika pakati pedanga Kwanga kusina ugaro nesu Zvino vatumwa vakabva kudenga Vakazokudza SHE wavo Je…..su! Isu tichandomukudzawo neiko Ungafadziwa nefuma yei…..zve Ko tingadusa zvinofadza vanhu Zvose nyanguva zvinokoshe….sa Izvozvo zvose hazvino mubato Ha’ngafadziwi nezvipo zvakadai Chinofadza pameso aJesu Ndokumukudza nomwoyo ku….dai.

025Tererai mazwi ayaRCZI

Verse Terera-i mazwi awa Anoimba ikoko Ko haazi avatumwa Vanogara ikweyo Vanhu nhasi, maponerwa Muchengeti, chifarai Chiimbawo “Hareruya!” Kristu Jesu chikudzai! Ndokubwinya kwaSHE wedu Wokudenga-dengako Vanhu vave nomufaro Rugare panyikawo Zuva rimo taponerwa Muchengeti Kristu SHE Ngatiimbe Hareruya! Tigokudza Jesuzve.

026SHE Jesu waponiwaRCZI

Verse SHE Jesu waponiwa paBetrehema’po Vatumwa vamukudza Tindomukudzawo Wedenga wakatida Watuma Mwana wake Wauya pano pasi Kutiponesazve Ngati’ndewo kudanga Rushiye rurimo Nokuti mwana uyo ndiTenzi weduwo SHE Jesu munzwe isu Tichimuonga zvino Nesu toda zvikuru kuzomukudzawo Mauya sorushiye Nokuti matida Mutidzidzise tose Nesu tigomuda Masiya Bambo venyu Kuburukira kuno Tinomuidza nhasi Mudiwa weduwo.

027Muchengeti wokudengaRCZI

Verse Muchengeti wokudenga Munogara ikoko Iko nhasi tinofunga Kuponiwa kwenyuwo Kwakaitwa kare kare Mukauya kunesu Somuchena maradzikawa Pazvipfuwo ipapo. Bva tinenge takumbira Nhasi pamaiswa’po Rwiyo rwedu rumufadze Sorwavanhu ivavo Muchengeti tinoonga Rudo rwenyu irworwu Rwakazarurira isu Suwo rokudengawo. Ndimi maponerwa pano Mukazotifirawo Kutigadzirira apo Patingandofara’po Tichimuimbira zvino Tichimukudzisazve Shandurai mwoyo yedu Ive imba yenyu, SHE! Mwoyo yedu nemiviri Zvose zvedu zvenyu SHE Tenzi wedu, chipindaimo Musabva matirizve Tiratidzei nzira yenyu Tiiteverei nesu Kuti tose tiri pano Tindofara ikweyo.

028Kudenga ndokwandakabvaRCZI

Verse Kudenga ndokwandakabva Neshoko randinomupa Rinomufadza, tererai Ndinomuudza, farirai Kwakaponiwa Jesu ISHE Uzomurwirawo nemi NdiMuponesi wenyuwo Muzvivi womubvisa’mo Wauya kuponese’mi Magadzirirwa rugare Makavigirwa upenyu Usingaperi ikoko

029Uyai imi vanaRCZI

Verse Uyai, imi vana, uyai unganai Kumusha weBetrehema mose uyai Manenji aitwa panyika, onai NdiBambo vedenga vaita kudai Vatuma mwana’vo, waberekwapo Uyai, timuone maaiswa’mo Uvete mudanga; wakanaka sei Uyai vana, mose, mugwadamirei Maria naJos’fa ndivo varipo Vafudzi naivo vatosvikawo Vakanzwa vatumwa voimba: Farirai Chinzwai nemi mose, vachimuudzai Vatumwa vakati; musatya, onai Mufaro mukuru ndowatomupai Onai, maponerwa mumusha uko Wamakamboshuva wazosvikapo Wauya, tigoraramiswa naye Isu, tarashika, tigodzoserwazve ndiMwana waBambo uvete apo Hendei Betrehema tinamateko!

030Uyaizve, vatendiRCZI

Verse Uyaizve, vatendi Ngatifare tose Kwazvarwa mumusha weBetrehema Mwana, SHE Jesu, Muponesi wedu Uyai, tigwadamire; uyai, tigwadamire Iye, SHE mukuru SHE wendudzi dzose Wauya kwetiri, watiitirei? Watipedzera shungu dzedu dzose Uyai, tigwadamire; uyai, tigwadamire Uyai, tigwadamire ISHE Jesu Bva nhasi, mangwana Misi yose yose Tiimbem titende, tionge kudai SHE wedu uyu Mwana woWedenga Uyai, tigwadamire; uyai, tigwadamire Uyai, tigwadamire ISHE Jesu.

031Jesu, Mwana wakanakaRCZI

Verse Jesu, Mwana wakanaka Wakazvarwa Betrehema Wakaiswa muchidyiro Maidyira n’ombewo Mai vakamurindapo Mwana achivatamo Wakaburukira ini Wamasimba, Jesu ISHE Imba yake ndeyen’ombewo Wazvininipisa sei Wakafambidzanawo Navachena vaivapo Paudoko hwake hwose Waida Maria sei Wainzwa mashoko ose Aaidzidza panamai Tose timuteverei Uyo wakanaka sei Meso edu achaona Jesu nomufarowo Mwana uyo ndiSHE wedu Unogara ikoko Wotiperekedzawo Agotisvitsako!

032Ndinoda SHE!RCZI

Verse Ndinoda SHE! isimba ra…..ngu Wandovangira muurombo hwose Musununguri pakuchema kwose Ngaarumbidzwe nesu to…..se Ndinoda SHE! Watiripi…..ra Murazvo haungazotipi mhaka Misoro yedu tingazomurudza SHE Jesu watidzikinu…..ra Ndinoda SHE! Pazvivi zvo…..se Unondisuka, ndiunondinatsa Neshoko, uye noMweya Mutsvene Ndigofanana naye cho…..se Ndinoda SHE! Wondisimbi…..sa Panzira yake unondisesedza Unondichengeta panjodzi dzose Unondibata ndirego…..wa Ngatide SHE, vatendi vose Ngatishongane tichimurumbidza Pashoka dzake tose tindochema Tichizvipa nomwoyo wo…..se!

033Chinzwa nzwi raJesuRCZI

Verse Chinzwa nzwi raJe…..su Muchengeti wa…..ko Unoreva kwouri Unondida he…..re? Ndakasunungu…..ra Vanga ndakara…..pa Wanga warashi…..ka Ukazowani…..kwa. Ko mai vangara….sha Mwana wavapo.….na Nyangwe vomusi…..ya Ndichasikufu…..nga! Rudo rwangu u…..rwo Haruno mugu…..mo Nyasha yangu ihuru Dzinesimba gu…..ru!

034Ndakanzwa Jesu achitiRCZI

Verse Ndakanzwa Jesu achiti Kwendiri chiuyai Manyara, maremerwawo Ndichamuzorodzai Ndauya kuna Jesu SHE Ndanga ndanyara sei Ndikazopiwa zororo Naye ndofara sei! Ndakanzwa Jesu achiti Uyai ndigomupai Imvura mhenyu iyoyi Ndichamuzorodzai Ndayua kuna Jesu SHE Ndanga ndanyara sei Ndikazipiwa zororo Naye ndofara sei! Ndakanzwa Jesu achiti Kwendiri tarirai Chiedza ndinongomupai Ndichamuperekai Ndauya kuna Jesu SHE Izuva ranguwo Richandivhenekerazve Parwendo rwangu’rwu!

035Ko manyara, maremerwaRCZI

Verse Ko manyara, maremerwa Muneshunguwo Jesu ndiye uchamupa Zororo! Ndingandomuwana pai Ndomuziva nei Tarirai mavanga ake Aita sei! Ndamusvaka, ndamuwana Uchagondipei Tsungirira nyange makaona Nhamo yei! Kana ndikatsungirira Ndichazoonei Uchamukundisa chose Mutendei! Kana ndikauya kwaari Ha’ngarambi’ni Kwete Uchachingamidzwa Naye SHE.

036Wedenga wakatida seiRCZI

Verse Wedenga watida sei Vatadzi vakadai Vangachengetwawo naye Unoti chiuyai! Rudo rwaSHE irworwu Rukuru-kuru sei Rwanditumira Jesuwo Ndouya zvino kuna SHE Ndotenda Jesu sie Ndiwakadzikunure’ni Ndichamuonga nei? Naye tapiwa rugare Mumwoyo meduwo Tipei kutenda kwoga, SHE Rugorambiramo! Imi, matenda Jesu SHE Chifarirai izvo Muchandopiwawo naye Upenyu ikoko

037SHE Jesu wandiitirei?RCZI

Verse SHE Jesu wandiitirei? Waripa mhaka dzangu Ndatadza, bva wandida sei Mururamisi wangu Kudenga wakakwirako Unondirangarira Ugaro hwakanakawo Wakandigadzirira! KOROSI Jesu, SHE Jesu Mururamisi wangu ndichamuona rini, SHE imi mufiri wangu? Unosindichengeta sei Unonditaririra SHE unesimba guru sei Rokuzondibetsera Minyengetero Unosindidavidza Chengeto yake uchapa vanomunyengetera

038NdinorumbidzaRCZI

Verse Ndinorumbidza rudo rwenyu Nenyasha yandapiwawo Ndofarirawo kuda kwenyu Pamakandiponesa’pondisine chandamubatira Mandida SHE, muchindifira. Madzingwa nei mukudenga Chinyi chamudzakisako Nezvivi zvedu zvamasenga Makasengedzwa naniko Mapinda muurombo hwose Zvamanga makatida tose! Ndichamutenda misi yose Zvamandida, ndimudewo Zvamakandivigira zvose Neni ndimushumirewo Ndokumutsvaka misi yose Ndichingomupa mwoyo wose! Ndinorumbidza nyasha dzenyu Panosiunganirwa’po Ndinogwadama mberi kwenyu Nezvanza zvakafunyiswa Ndichimuonga zvamaita SHE wangu, Jesu, munondida!

039Jesu watidaRCZI

Verse Jesu watida Watiponesa Tapiwe nyasha Naiye SHE! KOROSI Isu tinotizve Jesu watida Iyesu tose timudewo! Tanga tasungwa Nemhaka zhinji Tasunungurwa Naiye SHE Tanga tanyara Tisichagoni Bva tazorodzwa Naiye SHE! Ta’tiri vafi Vafi vezvivi Tarwirwa zvino Naiye SHE! Tichamutenda Mazuva ose Zvataponeswa Naiye SHE.

040Ndinonzwe rimwe shokoRCZI

Verse Ndinonzwe rimwe shoko RaJesu wa…..ngu Rindonditeverera Panzira dza…..ngu Panhamo nomufaro Pandiri po…..se Ndononzwe iro shoko Nemisi yo…..se. KOROSI Chiuyai pandiri Chiuyai pandiri Mose maremerwa Chiuyai imi! Unozotizireiko SHE unoku…..da Unamatire Jesu Usamura…..mba Bva handibvidzi ndoga Ndokundwa kwa…..zvo Ndinongositsawuka Panzira kwa…..yo. SHE Jesu mundikwevere Ndigare pe…..do Misi yose ndigosinzwa Nzwi renyu nyoro Bva zvino handizotyi Ndifambe kwo…..se Makandibatisisa Nesimba ro…..se!

041Hama yedu ndiSHE JesuRCZI

Verse Hama yedu ndiSHE Jesu Unotibetsera sei Nhamo dzedu misi yose Kuna iye tiisei Tinosha’iwe zvomufaro Tinosinzwa shunguwo Kana tisingasiendi Kundoudza SHE Jesu! Musi watinoidziwa Nyange totambura sei Tirege kurasha mwoyo Kuna SHE titizirei Kuno mumwe ungasenga Nhamo dzedu idzedzo Asi iye unoziva Tindoudza SHE Jesu! Nguva yatinoremerwa Tichisha’iwa simbawo Jesu ndiye nhare yedu Titizire ipapo Kana tichisi’wa toga Tindoudza Jesuwo Mumaoko ake ose Tichandonyaradzwamo.

042Ndinoshuva kunyeperwaRCZI

Verse Ndinoshuva kunyeperwa Shoko rakanakawo NderaJesu, Muchengeti Wakauya kunesu! Wanga achidana vana Wavachingamidzawo Wavambunda nomufaro Nokufungatirawo! Waisibetsera vose Nyange navachenawo Navarwere waipodza Waida vatadziwo! Waifadza vanhu vose Havazati vakatya Wavakanganwire mhaka Nomufaro wavapa.

043SHE Jesu ndiye unongondidaRCZI

Verse SHE Jesu ndiye unongondida Unosindida, unondida neiko Ndivo vachinyi vaanorwira Neni muipi wandirwirawo KOROSI Kudzai SHE Jesu, wandiponesa Kudzai SHE Jesu, wandinoonga Kudzai SHE Jesu, wandiponesa Kudzai SHE Jesu nemis’yosewo SHE Jesu ndiye wondisesedza Wondisesedza uchazondiisepiko Ndotevera SHE, nyange panhamo Nyangwe mufaro, ndotenda nazvo She Jesu ndiye uchangondipa Muba’ro wangu kana adzokazve Uko kum’soro ndichandofara Ndichandopiwa mubairo naye!

044Ko munongoparadzirwaRCZI

Verse Ko munongoparadzirwa Samakwai, muchatyirei Rudo rwaSHE rwakabata Munogorurashirei? Mamboonawo Murisi Wounyoro, wakadai Rudo rwaSHE rwakabata Kwaari chitizirai! Sungu dzose dzapanyika Uye zvivi zvayowo Zvinonzwikwa pakudenga Tinonzwirwa nyasha’ko! Rudo rwoWedenga wedu Ndirwo rwakakura sei Nounyoro hwaSHE Jesu Hungaenzaniswa nei? Mose munozvidya mwoyo Kuna Jesu chiuyai Chitendai, musanyunyuta Nyasha dzake chipiwai! Deno tanga tichimuda Taitenda Jesu sei Taifara pamushana Unodziya panaSHE.

045Jesu wotirisaRCZI

Verse Jesu wotirisa Nemiso…..dzi Unoipisika Hatizo…..tyi Wotitungamirira Ngatiteverei Sango namafuro Zvose titendei Jesu wotirisa Nzwi tozi…..va Rinotifarisa Tichiri…..nzwa Nyange torangiwa Riri nyoro sei Wotiperekedza Tomurambirei? Jesu wotirisa Watifi…..ra Uye ropa rake Ratisu….ka Mabwizana ake Unozivawo VanoMweya waSHE Vake ndivavo Jesu wotirisa Ndiwoti…..pa Nyasha dzake nyoro Achiti…..da Ngatimurumbidze Nokumudawo Togondoshongana Naye ikweyo!

046Nezita raSHE JesuRCZI

Verse Nezita raSHE Je…..su Tinozipi…..rwa Rinonyaradza mwo…..yo Rodzinga ku…..tya Ropedza mweya ye…..du Rodzimi…..sa Rogutsa mwoyo ye…..du Rotizoro…..dza Ndoutiziro hwa…..ngu Bwe rokuva…..ka Nechivigiro cha…..ngu Chizere nya…..sha Murisi wangu, Je…..su Murarami…..si SHE wangu noupe…..nyu Ndokudza i…..mi Ndoonga rudo rwe…..nyu Ndichi mupe…..nyu Ndigozopinda ru…..fu Nezita re…..nyu!

047Zororo raSHE chizopiwaiRCZI

Verse Zororo raSHE chizopiwai Uye munhamo mwoyo tsungai Rugare kwarwo chirutsvakai Muna SHE Jesu zvose kashai Ndichamutenda mis’yosewo Nyangwe parufu muchavapo Muraramisi ndiJesu SHE Ndingaponeswa koga naye. Nyangwe ndikawa, SHE, ndibatei Kana ndorohwa, ndinyaradzei Ndiri murima, chindikwashai Zvomunondida, mbundikirai.

048Jesu, tinoshuva zvenyuRCZI

Verse Jesu, tinoshuva zvenyu Munyaradzi we…..du Tinoonga rudo rwenyu Nadzo nziyo dze…..du Makaburuka kudenga Kuzorwira nyi…..ka Matifira, maripira Vanhu varashi…..ka Jesu, makanzwira tsitsi Vanh vakatu…..kwa Nyasha, mavarwira nadzo Vagosunungu…..rwa Zita renya rakabuda Imomo mumu…..nda Ropa ratizarurira Nzira yokude…..nga Jesu vakamudadira Muchifira vo…..se Bambo vakamutsamwira Tigofara to….se Golgota, ndopamanwira Mumukombe we…..nyu Chinjikano makakwira Ndidzo nyasha dze…..nyu Bva upenyu hwedu hwose Huri muna Je…..su Chinjikano misi yose Inofadza i…..su Tinonamatira chose SHE, mufiri we…..du Mwoyo nemiromo yose Imbai nziyo dze…..nyu!

049Waroverwa Jesu SHERCZI

Verse Waroverwa Jesu SHE Unosekwa navadadi Muchengeti Simba renyu riripi Nokubwinya kuripi? Waroverwa Jesu SHE Uri pachinhambo changu Tenzi wangu Pakutukwa ndirwirei Jesu mundichengetei Waroverwa Jesu SHE Nyika, ndingatsvaga zvako Kudzo yako Kwete, nyika, ndinoda Kukurasha, sowafa Waroverwa Jesu SHE Nyange rufu noupenyu Ndiri wenyu Pamufaro nokufa Ndinoda wakandida!

050Uyai , tigwadamire JesuRCZI

Verse Uyai , tigwadamire Jesu Tichingomurumbi…..dza Zvaitwa zvose, zvatopera Watiripira mha…..ka Mubato wake waatanga Wakatariwa ka…..re Wakazopera; denga, nyika Vatadziwo, mufa…..re! Uyai tigwadamire Jesu Musengwa wedu makasenga Makaremedzwa na…..wo Wedenga wakagamuchira Mubato wenyu u…..wo Isu vatadzi tambodzingwa Ta’tiri kure he…..du Nechinjikano taswededzwa Yakape’su upe…..nyu! Uyai tigwadamire Jesu Tinodo kusiraramira Wedenga naSHE Je…..su Tinoda kumuteverera Tichingomupa mwo…..yo Mutungamiri mutirinde Muite basa re…..nyu Mumwoyo medu ngaripere Mugozonaka kwa…..zvo!

051Pachinjikano yasheRCZI

Verse Pachinjikano ya…..SHE Pandinofunga rufu rwake Ndorasha fuma yosepo Ndozvidza zvose zvanguwo. Ndirege kuzviku…..dza Ndikudze chinjikano yoga Zvakambosingofadze’ni Ndorasha ndichitendemi. Mavanga doona…..i Urombo hwake chifungai Musoro, chiso, tarirai Makamboona zvakadai? SHE, deno ndaimu…..pa Ufumi hwose hwapanyika Chidoko chipo chakadai Upenyu hwose ndomupai.

052Jesu, SHE wangu RCZI

Verse Jesu, SHE wangu chi’chamakatadza? Ndivo vavangengi vakamuparadza Nderipi ngava ranga ramubaya, Nokuuraya? Neminzwa vakamurukira hata Pachiso chenyu vamupfira mate Vakamurova, vakamupa nhamo Pachinjikano. Jesu, hakuna zvamakamboisva Bva zvivi zvangu zvakamuripidza Imi mapiwa nokutadza kwangu Musengwa wangu. Imi, mufudzai, manzwa zvinovava Makwai agozobuda mumangava Kwafira Tesnzi, ndokuzorarama Isu varanda!

053Ndakakufira kareRCZI

Verse Ndakakufira kare Ndakuripirawo Ugozosunungurwa Upiwe upenyu Ndakakufira iwe Wakandiitirei? Ndakakutamburira Makore panowo Ugozondofadziwa Kudenga ikoko Ndatamburira iwe Wakandipei here? Ndasiya Bambo vangu Mufaro naiwo Kuuya pane nhamo Urombo, rufuwo Ndakakusiyira zvose Wakandisiyirei? Bva ndakakuvigira Ndichibva ikoko Chengeto yakazara Norudo rwanguwo Ndakuvigira zvose Wakandivigirei? Umupe mwoyo wose Upenyu hwosezve Zvisungo zvidamburwe Upiwe rugare Dorash zvako zvose Uchingotenda SHE!

054SHE, muchengeti wanguRCZI

Verse SHE, muchengeti wa…..ngu Wafira neniwo Ndisukiwe zvivi zva…..ngu Muropa rake’mo. KOROSI Mwoyo wangu unofara Wafira neniwo Unondisunungura Pandaisungwapo PaGorgota muta…..dzi Wasukwa kare’po Neropa ndinatsi…..we Pazvivi zvanguwo. Iropa iro ro…..ga Richazonatsazve Vanongotenda ko…..ga Mufiri Jesu SHE. Zvikuru tichafa…..ra Kudenga ikoko Kwatichandorumbi…..dza Mufiri weduwo.

055Chinjikano ndireroRCZI

Verse Chinjikano ndirero Tsime roupenyu Rinopodza vose, SHE Vanouya kwenyu Korosi Ipapo, ipapo Jesu ndichakudza Kusvikira ikweyo Ndichimurumbidza. Chinjikano, ipapo Ndanga ndichihuta Bva nenyasha ndipapo Pandakazofara. Maratidza ipapo Tsitsi dzenyu huru Misi yose ndibetsei Kudzifunga kwazvo! Ndorambira ipapo Ndichitenda koga Pamwe handizivi’po Asi apo poga.

056Nyika, chifaraiRCZI

Verse Nyika, chifarai Swederai kudenga Chimuimbirai Jesu Kristu SHE Unokwirazve Ikoko kudenga! Zuva, mwedzi, inzwai Mumukudzei mose Denga, fugamai Navatumwa ‘ko Nemi vanhuwo Ngationge tose! Vanotenda SHE Swedera-i pedyo Musachemazve Chimuimbirai Jesu, tarirai Waenda kudenga Jesu mupenyu Mutiise pedyo Chigarai nesu Tiraramewo Kundofarako Ikweyo kum’soro Zuva irero Robva rotosvika SHE wakwirako Unoda isu Ngatiendewo Watitungamira!

057Jesu wakamukazveRCZI

Verse Jesu wakamukazve Muponesi ndimupenyu Ndichiziva izvozvi Ndinofara upenyu Nousiku hworufu Handichautyi ihwo. Jesu wakamukazve Uchandipawo upenyu Ndichandomuonako Jesu SHE uri mupenyu Vanhu, chimushumirai Tenzi wenyu wakadai! Bva miviri yakadai Ndeyenyama yoparara Bva nemitsva chizivai Tichamuka mumarara Tichagara nayewo Mupenyu ikweyo. Navatendi, chifarai Jesu wakamuka hake Nokuhuta chiregai Nemi muchamutswa naye Nzwi rinozonzwikawo Navo vomuhwiro’mo.

058Mbira dzinoriraRCZI

Verse Mbira dzinorira Vanoimbazve Suwo rakashama Panopinda SHE Jesu wakakwira Mukudenga’mo Unogwadamirwa navagereko KOROSI Zvose zvakapera Ngatiimbezve “Jesu wakakwira Ngatikudze SHE” Ndiye watifira Wakarwire’su Zvino wokudziwa Worumbidzwapo Ha’chazokundiwi Kristu Jesu SHE Nhamo ha’zozivi Nyange kufazve. Unonyengetera Zvino, aripo Unoshovedzera Vanhu vakewo Unogadzirira Vana vake’po Vanomushumira Vachaendako.

059Jesu SHE mupenyuRCZI

Verse Jesu SHE mupenyu Hakuchina zvinotyisa Watipa upenyu Shungu dzose wakapwisa Hareruya Jesu SHE mupenyu Zvino suo roupenyu Rashamira isu Tozosvikapo parufu Hareruya Jesu SHE mupenyu Watifira tomutenda Unonatsa isu Ndiye watinokudzisa Hareruya Jesu SHE mupenyu Rudo rwake rwatibata Hakuchine chinhu Chotigurisa hukama Hareruya Jesu SHE mupenyu Wakabata ushe hwose Ngatisiye zvedu Kundofara naye chose Hareruya

060Chimukai usiku hwaendaRCZI

Verse “Chimukai usiku hwaenda” Inharirire dzinodana “Jerusarema chisvinura” Vati kunzwa manzwi adzo Vodana, vachifara havo “Usiku hwaenda, chimuka!” Chimuchingamidzai Nemwenje chiendai Kuchikomba Mugondopinda kamwe’po Paimba yomutambo’wo Kuchinzwika nziyo dzavo VeZion vakafara havo Pakarepo vomukawo Mhandara nemwenje yadzoo Dzondoshongana zvino nacho Dzoimbawo saizvozvo “Mudiwa, SHE, hendei Mufaro tipindei Hareruya! tichandopinda nemiwo Muimba yomutambo’mo! Ngatimukudzei tose Kudenga napasi pose Tiimbe, tichiridzawo Pakudenga’ko panobvinya Sohwerazuva hunovaima Vatumwa vachiimbapo Tigondopiwa’po Zvishamiso Ndopatichaindawo Bva pano tinofara SHE Toimba rwiyo rweduzve!

061Mukai, imi, imbaiRCZI

Verse Mukai, imi, imbai SHE Jesu rumbidzai Marimi ose chimutsai SHE wedu chikudzai! Bva rudo chimukai Wafire’su narwo Kumuka kwake rumbidzai Kukwira kwakewo! Vatendi chiimbai Varwirwa chifari Mazuva ose chiimbai SHE wenyu chikudzai! Tichamukudza’ko Tasvika ikweyo Tichandomuimbirawo Kudenga ikoko!

062Ndichaimba zvaSHE JesuRCZI

Verse Ndichaimba zvaSHE Jesu Zvaakada neniwo Wandifira’po padanda wandisunungurawo KOROSI Imba neni zvaSHE Jesu Wandifira neniwo Wakaripe mhaka dzangu Wandisunungurawo. Ndichasinyepera vamwe Zvandatengwa naye SHE Wakazondinzwire ngoni Ungandikundisa zvivi Rufu rungandiitei? Ndichakudza Jesu wangu Une simba guru sei Ungandikundisa zvivi Rufu rungaiitei? Ndichasiimbira iye Muchengeti wanguwo Unozondiperekedza Kundisvitsa ikoko.

063Zita raSHE JeRCZI

Verse Zita raSHE Je…..su Rakanaka-naka sei Ringakundwa neiko Rinozipa sei! Tidzidzei nesuwo SHE! Nesuwo Tidzidzei nesuwo Shoko renyu. Rudo rwaSHE Je…..su Rwakakura-kura sei Rwa’tivinga na…..rwo Rwakakura sei! Ropa raSHE Jesu Rinokosha-kosha sei Rinosuka i…..su Rinokosha sei! Rugare rwa Je…..su Rwaanozotipawo Tichafara na…..rwo Pakudenga’po!

064Jesu ndowanguRCZI

Verse Jesu ndowangu, ndofara sei Zvandiri wake, ndichatsvakei Neropa ndasukiwa naye Ndapiwe nhaka naBambo SHE Ndicharumbidza SHE wangu sei Nenziyo dzangu ndimukudzei Ndinozorora norugare Ndinositenda kuda kwaSHE Nyasha norudo unondipa Ndinosifara nowandida! Ndakachengetwa, ndinomuda Chandinosha’iwa hapachina Meso anongotarira SHE Ndapiwe nyasha huru naye!

065Murapi wedu uripoRCZI

Verse Murapi wedu uripo NdiMuponesi Jesu Ndiunotinyaradzawo Chinzwai, inzwi raJesu! Zita rakanaka sei rwiyo rwake tiimbei zvose zvake tikudzei Jesu, ndiSHE Jesu Musukwe zvivi zvenyuwo Chinzwai, inzwi raJesu Mugondosvika ikoko Kugara naSHE Jesu Rinosindifadza sei Izita raSHE Jesu Ndingarionga zvino sei Izita raSHE Jesu Uyai vedu! Tiimbe Tichirumbidza Jesu Uyai, ngatirikudzei Izita raSHE Jesu! Bva tazosvika ikweyo Tichazoona Jesu Tichandorirumbidza’ko Izita raSHE Jesu!

066NdichamugamuchiraRCZI

Verse Ndichamugamuchira Nokuchingura nei? Ndichamunamati-ra Nokubatira sei? SHE, mundiudze kwazvo, Muchanakirwa nei? Zvomunotenda nazvo, Ndingamufadza sei? VeZion vakawadza Mashizha kareko; Neni handingaregi Kumuchingurawo; Nomwoyo wangu wose Ndichamuinibirai, Ndinoda kumukudza, Nokumurumbidzai! Ndakanga ndakasungwa, Madzikunure'ni: Ndakanga ndakanyadzwa, Ndamutswa, SHE, nemi; Mandivigire fuma Yabva kudenga'ko; Ndiyo yokusaora, Nokusaperawo. SHE JESU uchauya Kuzotongesazve; Bva avo vakatenda Havangazomutyi; Uya-i Tenzi Jesu! Kudenga tiisei, Kwatichafara isu, Tichinakirvva sei!

067SHE Jesu mose rumbidzaRCZI

Verse SHE Jesu mose rumbidzai Vatumwa gwadamai Zvoushe hwake farirai Kudzai SHE, imi mose Iye SHE kudzai! Vasunungurwa, tarirai SHE wenyu chimudai Nezvipo zvenyu chiuyai Kudzai SHE, imi mose Iye SHE kudzai! Bwizana raSHE chiongai Mufiri chitendai Chengeto yenyu farirai Kudzai SHE, imi mose Iye SHE kudzai! Ikweyo kuchanzi: Farai Uyai, chigwadamai Varwirwa vose, fugamai Kudzai SHE, imi mose Iye SHE kudzai!

068SHE WapindaRCZI

Verse SHE Wapinda, SHE Wapinda! Zvimwe zvose chibudai! Zvose zvose zvakadzingwa; SHE, mumwoyo chiusai! SHE Wapinda, SHE Wapinda! Nyunyutiro, chibudai! Mwoyo wose ndakamupa, Zvose zvose chiusai! SHE Wapinda, SHE Wapinda! Ropa rake chionai! Neni ndinoda kumupa, Zvangu, SHE, chizvitorai! SHE Wapinda, SHE Wapinda Zvinonetsa, chibudai, Ushe hwake SHE wabata, Zvichemedzo chiperai!

069Toonga BamboRCZI

Verse Toonga Ba…..mbo Nemwoyo yedu yose Ndivakazvi’…..ta Zvikatyamadzo zvose Ndivatina…..tsa Upenyu hwose Vanotifadza Nenyasha dzo…..se! Wedenga u…..yo Agare nesu tose Achingoti…..pa Rugare misi yose Parwendo rwe…..du Atifambi…..se Pamadambu…..dzo Atichenge…..te! Torumbi…..dza Wedenga, Bambo vedu Muzvare, u…..ye Muperekedzi wedu Mwari ndimu…..mwe Watinoku…..dza Ushe ndohwa…..ke Nokusagu…..ma!

070Tendai tendaiRCZI

Verse Tendai tendai Titende SHE Unyoro hwake Nenyasha dzakewo Mis’yose zvinesu Mis’yose zvinesu Timukudzei Tikudze SHE Mifungo yedu Nemwoyo yeduwo Fungai zvaakupai Fungai zvaakupai Tokuongai Wesimba, SHE Usiku hwose Nezuva rosewo Munotirinda sei Munotirinda sei

071Ndiani kudanga’koRCZI

Verse Ndiani kudanga’ko Unogwadamirwa’po? Ndiye SHE wesimba rose Ndiye SHE wavanhu vose Ngatimugwadamirei SHE wavashe tikudzei Ndiani musango’mo Wozvinyima kudya’po? Ndiye SHE wesimba rose Ndiye SHE wavanhu vose Ngatimugwadamirei SHE wavashe tikudzei Ndiani wochemawo Pakavigwa Razaro? Ndiye SHE wesimba rose Ndiye SHE wavanhu vose Ngatimugwadamirei SHE wavashe tikudzei Ndiani kumunda’ko Unonyengetera’po? Ndiye SHE wesimba rose Ndiye SHE wavanhu vose Ngatimugwadamirei SHE wavashe tikudzei Napachinjikanowo Ndiani wofira’po? Ndiye SHE wesimba rose Ndiye SHE wavanhu vose Ngatimugwadamirei SHE wavashe tikudzei Ndiani womukazve Unotipa rugare? Ndiye SHE wesimba rose Ndiye SHE wavanhu vose Ngatimugwadamirei SHE wavashe tikudzei Ndiani kudenga’ko Unobata ushe’po? Ndiye SHE wesimba rose Ndiye SHE wavanhu vose Ngatimugwadamirei SHE wavashe tikudzei

072Farai! mukudze SHERCZI

Verse Farai! mukudze SHE SHE wenyu rumbidzai Chiimbirai iye Muonge, muchidai Bva manzwi enyu murudzai Farai! Ndinotizve: “Farai!” Wadzikunure’su ndiSHE wazvokwadi Wakakwira ikweyo Wabata ushezve Bva manzwi enyu murudzai Farai! Ndinotizve: “Farai!” Bva ushe ihwohwo Huchakundiwa nei Iye Jesu ISHE Wapiwe simba sei Bva manzwi enyu murudzai Farai! Ndinotizve: “Farai!” Mimwoyo chitsungai SHE uchauyazve Varanda, chifarai Muchandoona SHE Hwamanda yaSHE mirirai Yobva yodana: “Chifararirai!”

073SHE wakakunda RCZI

Verse SHE wakakunda papfumo kudzai Simba, nenjere, nefuma, ipai Ushe, kubwinya, nezvipo zvakadai Zvinofanirwawo SHE wakadai! Ndiwakakwira kudenga uko Ndiwakabata ushe hwake’po Ndiwakadzikwa korona, onai Unoimbirwawo nziyo, inzwai Denga kum’soro rofarira SHE Nyika naiyo yokudza iye Gungwa, makomo, maruva zvose Zvinoparidza rumbidzo yaSHE! Jesu, mufiri, timuimbirei Ngatisimukei, timuuchirei Kristu, Bwizana, watambura sei Bva wakamuka, timurumbidzei!

074NdiMweya waJesuRCZI

Verse NdiMweya waJesu Unorwa newe Bva pamwoyo pako Woguhudzazve Usamudzivisa Unongovapo Bva kuda mangwana Uchazobvapo! Bva mwana waBambo Pazvivi ibva Uzadzwe noMweya Waakatipa Usamusvavisa Aregobvapo SHE wako mukuru Agokudzwawo! Ugaro hwaJesu Hwaivapo sei Nomwoto woMweya Wodzimawo sei Bva ungapfutidzwa Norudo rwaSHE Urege kudzimwa Murima ubve!

075SHE ndinonzwa matumiraRCZI

Verse SHE ndinonzwa matumira Vamwe Mweya we…..nyu Neni ndinonyengetera Donditereraiwo Neniwo! Neniwo! Donditereraiwo. Musandidarika Bambo Ndakachinya ha…..ngu Bva mundipe nyasha dzenyu Ndinzwirei uro…..mbo Neniwo! Neniwo! Ndinzwirei uro…..mbo! Musandidarika Jesu Ndigogara ne…..mi Ndibatei nerudo rwenyu Mundidane ne……ni Neniwo! Neniwo! Mundidane ne…..ni! Musandidaraka Mweya Mugondisvinu…..dza Zvose zvandapiwa nemi Muzondirati…..dza Neniwo! Neniwo! Muzondirati…..dza! Rudo rwoWedenga wangu Ropa roMufi…..ri Uye nyasha dzenyu huru Ndizvigamuchi…..re Neniwo! Neniwo! Ndizvigamuchire!

076Tomuda imi Mweya seiRCZI

Verse Tomuda imi Mweya sei Pindai kwetiri, mutipei Chiedza chokum’soro Uya-i chitionesai Nesuwo chitiponesai Nenyasha dzenyu nyoro Uyai, uyai, mutizadze Zuva redu Vheneka-i mwoyo yedu! Uyai-i mutidzi’sezve Mimwoyo yedu ngaitsve Norudo rwaSHE Jesu Zvikuru mutisimbisei Mimwoyo yose timupei Mugozogara nesu Pisai, bvisai zvakaipa, mugotipa, Isu tose Mwoyo mitsva misi yose! SHE, Munyaradzi, chipindai Vanonzwa shungu chivapai Rugare nomufaro Bva isu chitinatsai Kuna SHE chitikweverai Tifadzwe nokudaro Uyai, uyai, mutimutse, tisimuke Tigoenda Tigosvikako kudenga!

077SHE Jesu achikwiraRCZI

Verse SHE Jesu achi…..kwira Kudenga u…..ko Watitumira Mwe…..ya Kuva nesu! Wauya kunyara…..dza Mimwoyo ye…..du Wotsvakawo kupi…..nda Kugaramo. Tinosinzwa nzwi ra…..ke Richitira….nga Rinotidzikami…..sa Patinotya. Nezvose zvakana…..ka Zvinobva kwa…..ri Mifungo yakana…..ka Ndeyakezve. Wenyasha nouna…..ko Titarireiwo Mupinde ikozvi…..no Musabvamo!

078Isa-i rudo rwenyuRCZI

Verse Isa-i rudo rwenyu Mumwoyo ma…..ngu Ndigozorora kwa…..zvo Ndasimba na…..rwo Bva mwoto wenyu, Je…..su Upfute po…..se Upise zvivi zva……ngu Zvigobva cho…..se Imi wePenteko…..sta Pindai mumwoyo….. Imi makashanangu…..ka Uyai’kozvi…..no! Kudero mwoyo wa…..ngu Wogadzika…..na SHE, ndiyo fuma ya…..ngu Yondiringa…..na!

079Muviri wangu JesuRCZI

Verse Muviri wangu Jesu Nomwoyo ndomupai Chive chiba’iro changu Chandamuvigirai! KOROSI Ndozviisa paartare Ndinomumirirai Jesu, mwoto wenyu kwendiri dotumai? SHE Jesu wamasimba Nzwi rangu murinzwei Muchandinatsa chose Neshoko renyu, SHE! SHE, mwoto watsawurwa Mumwoyo burusai Zvamakandiravira Nenyasha chindipai! Ndozvipa chose, Jesu Handingadzokizve Uyai nomwoto wenyu Pisai chibayiro, SHE!

080SHE Mweya douyai,RCZI

Verse SHE Mweya douyai, chiburukai Senjiva nyoro chidzirai Mutichengete, chitiperekai Mifungo yose rayirai! Tipei chiedza chamazvokwadi mutizivise zvenyu, SHE Mumwoyo medu tipei nyashawo Tirege kuzorashe’dzo! Mutiratidze nzira yenyuwo Tigozotsungirirapo Mutisesedze kuna Jesu SHE Tirege kumusiyazve! Mutisesedze ti’nde ikoko Kuno mufaro, rudowo Mutisesedze kuzororo’ko Kumusha kwedu ikweyo!

081Mundipe Mweya SHERCZI

Verse Mundipe Mweya SHE Upenyu hu…..tsva Ndigoda zvomuno…..da Nokumufadza! Mundipe Mweya SHE Ndinatswe mwo…..yo Ndigozotsungiri…..ra Pazvose zvenyu Mundipe Mweya SHE Ndigova we…..nyu Mwoy’wangu ugozo…..tsva Nomwoto we…..nyu! Mundipe Mweya SHE Ndigosazo…..fa ndigozondorara…..ma Nemi kude…..nga

082Vanhu, chitendai WedengaRCZI

Verse Vanhu, chitendai Wedenga Ndiye wakazotimutsa Wakauya achitida Kuzorwira vakaipa Wanga achitida sei! Musaramba kumutenda Pana Jesu mugouya Chirega-i kurashika Chikwashai kuchengetiwa Kufa munotsvakirei? Fugamai kuM’ponesi Mukumbire, muti “Jesu Mwoyo yedu tinomupa Ive yenyu yenyu yoga!” Tichafarisisa sei!

083Wedenga ndiMuumbiRCZI

Verse Wedenga ndiMuumbi Wavanhu vo…..se Takanga tamusiya Tidzoke cho…..se Ndiwatiraramisa Tofara to…..se Ngatibvumire zvino Nesimba ro…..se! NdiMuponesi wenyu Wamuzivi…..sa Mashoko ehupenyu Anofadzi…..sa Dzokai mutende henyu Mugozoro…..ra Dzokai mupiwe zvino Zvokusao…..ra! SHE wedu wakanaka Watiripi…..ra Mangava akashata Achitifi…..ra Hendei, ti’nde kwaari Tigondotsva…..ka Zvatavigirwa pa’ri Tigozvipi…..wa!

084Muuye kuna JesuRCZI

Verse Muuye kuna Jesu, Muzvivi chibudai! Marasha Tenzi wenyu, Kwaari dzokerai! SHE Jesu unotida, Kuipa tirashei; Kudeno tichitenda, Uchatifadza sei! Timupe mwoyo yedu, Upenyu tikwashei HwaJesu Kristu wedu, Kudenga tipindei!

085Nzwi renyu ndinonzwaRCZI

Verse Nzwi renyu ndinonzwa Rinondida…..na Kuuya zvino kunemi Ndigosuki…..wa! KOROSI Ndinouya SHE Zvino neniwo Ndisukei SHE ndinatsei Neropa renyu! Ndakamuchinyirai Bva munenya…..sha Mangava angu chirashai Mugondina…..tsa! NdiJesu wandida Wakandirwi…..ra Unonditungamirira Agondisvi…..tsa! Ndotenda ropa sei Ndotenda nya……sha Ndotenda Jesu Kristu SHE Wakandifi…..ra

086Mhaka inopedziwa nei?RCZI

Verse Mhaka inopedziwa nei? Asi neropa raJesu! Ndingaona upenyu sei? Asi neropa raJesu! Zvivi zvinobvisiwa nei? Asi neropa raJesu! Ndingazoraramiswa sei? Asi neropa raJesu! Svina inosukiwa nei? Asi neropa Jesu! Zvimwe ndichazokwashirei? Kunze kweropa raJesu! Ndingazorungamiswa nei? Asi neropa raJesu! Ndichazochengeteka sei? Asi neropa raJesu!

087Ndinomuchema, MuponisiRCZI

Verse Ndinomuchema, Muponisi wangu Zvandaremerwa namavanga angu Hakuna mumwe ungandiponesa Wandinoziva Naizvozvo ndauya mberi kwenyu Zvandinosinzwa riya Shoko renyu Rinotiudza zvamatiitira Muchitifira! Makandifira, ini ndakatadza Ndakamunetsa, imi mandifadza Ndakamuramba, imi manditsvaka SHE wakanaka! SHE wangu, Jesu, makandida sei Nenyasha yenyu ndaiona ne-i Ndikaponeswa nounyoro hwenyu nokuda kwenyu! SHE ndibate-i noruoko rwenyu Mundichengete ini mwana wenyu Mupinde, ndamuzarurira mwoyo Jesu, SHE wangu!

088Vanhu, uyai kuna JesuRCZI

Verse Vanhu, uyai kuna Jesu SHE, Mucharatidzwa nzira naye; Nhasi unomudana nemi, Achiti: Chiuyai! Tichazondofara ikweyo, Kwatichandosunungurwawo, Kana tazoshongana naSHE, Uko kudenga 'ko! Vose vauye; ngatimunzwei; Nzwi rake tose tifarirei! Zvino ngatimushanangurei! Tichanonokerei? Tichazondofara ikweyo, Kwatichandosunungurwawo, Kana tazoshongana naSHE, Uko kudenga 'ko! Uri pakati pedu, fungai! Unomudana, chitererai; Nzwi rake nyoro mose inzwai: "Kwendiri douyai!" Tichazondofara ikweyo, Kwatichandosunungurwawo, Kana tazoshongana naSHE, Uko kudenga 'ko!

089Vachinyi vangasunungurwaRCZI

Verse Vachinyi vangasunungurwa Tifarire shoko iri Mufiri ndiwatiripira Mangava apedzwa naye Tenda-i, vachinyi, tendai Ishoko razvokwadi’ro SHE Jesu ndiwakamufira Ndiunomupai upenyu Watisunungura parufu Watipawo nyasha, inzwai Watizarurira chitubu Tisukwe neropa, uyai! SHE Jesu wakurira zvivi Zvatorerwa simba razvo Navose votenda kwaari Havachakundiwi nazvo! Chigamuchirai nyasha dzake Kuna SHE chikurumbidzai Nokuti wauya paari Ha’ngazomurambi, tendai!

090Uyai mose makashataRCZI

Verse Uyai mose makashata Mose marashikawo Jesu unomumirira Unomudanirako Une simba, une simba Musatya kutendawo! Navachena, mungauya Muchachingamidzwawo Munofana kundotsvaka Kanganwiro ipapo Pana Jesu! Pana Jesu! Chiuyai, mupiwe’yo. Chirega-i kunonoka Uyai nhasi, chitendai Chimwe choga chinorehwa Mwoyo wose chimupai Chidura-i! Chidura-i! Zvivi zvenyu chirashai. Imi mose, maremerwa Nyange makanyara sei Swederai ikozvino Rufu muchatsvakirei Unodana, Unodana Nyange vakatadza sei! Navatumwa vokudenga Vachafara ikoko Musha wose wakanaka Uchafarisisako Hareruya! Hareruya! Tingarwirwa nesuwo!

091Pindai, pindaiRCZI

Verse Pindai, pindai, mutambo uripo Munodaniwa kuzopindawo! Pindai, pindai, ugaro huchimo. Rodokuvira zvino pinda-i Kwodokusviba, chimbidzika-i Pindai, pindai, ugaro huchimo. Yodo-kuzara imba iyeyo Pindai, pindai, Chikomba chavapo Pindai, pindai, ugaro huchimo. Rakazaruka suo irero Ndorudo rwaSHE, nhambo ichipo Pindai, pindai, ugaro huchimo. Kudenga kwose kwomumirirai Inzwai, vatumwa vanomudanai Pindai, pindai, ugaro huchimo. Nzwi ravo rinonzwika, tererai Musanonoka, zvino chipindai Pindai, pindai, ugaro huchimo.

092Pasuwo rakashamaRCZI

Verse Pasuwo rakashama’po Ndoonawo chiedza Chinobve Gorgota uko SHE wakachitungidza! KOROSI Inyasha huru idzedzo Ndingandopinda ipapo Neni! Neni! Ndingandopindawo. Rakashamira ipapo Vodo kuuya vose Vachena navafumiwo Marudzi ose ose! Musatya henyu, chiuyai Mugozopinda naro Kudenga SHE uchamupai Korona yomufaro Bva seri kwaro ikweyo Kuchema kunosi’wa Tichandoona Jesu’ko Uko kunofariwa.

093Ndapofumara, SHERCZI

Verse Ndapofumara, SHE Ndisesedzei Ndinongoona rimawo Usiku hwakanyanya sei Nda’bofu, SHE Ndapofumara, SHE! Handinzwi, Jesu SHE Ndidziurirei Gwai renyu richaterera Nzwi renyu rarinoda sei Handinzwi SHE Handinzwi, Jesu, SHE! Ndino urombo, SHE Kudya ndipei Zvenyika ndozvirambawo Ndopanga zvokudenga sei Nda rombe, SHE Ndino urombo, SHE! Ndotenda, Jesu SHE Ndigachirei Ndione, ndinzwe, ndidyewo Imi mafuma zvose sei Ndotenda, SHE Ndotenda, Jesu SHE!

094Ndachinya; SHERCZI

Verse Ndachinya; SHE, ndoripa nei Handine zvose, ndoitei Zvamandifira, ndichatyei Ndouya ndakadai! Ndachinya; ndakashata sei Bva zvino ndichagarirei Neropa renyu ndirwirei Ndouya ndakadai! Ndachinya; ndigamuchirei Nekanganwiro mundipei Ndotenda shoko renyu sei Ndouya ndakadai! Ndachinya; rudo rwenyu, SHE runondinatsa mwoyozve Runongondipa rugare Ndouya ndakadai! Ndachinya; misi yose SHE Kwomuri ndichauyazve Upenyu hwose ndimupei Ndouya ndakadai!

095Chinzwa! Chinzwa!RCZI

Verse Chinzwa! Chinzwa! Ndiani Terera, terera, nzwi rani Kuno mweni pamukova Unoda kupinda’mo Ndiye Jesu, SHE mukuru Chimuzarurira’po Chinzwa! Chinzwa, uripo Terera, terera, chi’nda’po Simba rangu rakoniwa Ndichabvidza ndoga sei Kuzarura mwoyo wangu Jesu SHE, ndibetserei! Chinzwa! Chinzwa, uchi’po Terera, terera, hongowo Noruoko rwakabayiwa Unogu’dza uripo Uye meso ounyoro Anokuchemerawo!

096Mose chitereraiRCZI

Verse Mose chitererai SHE wenyu doanai Unoguhudza, woti: Zarurai Rudo rukuru sei Marunonokerei Muzarurire, muti: Chipindai. KOROSI Muzvipe chose Nomwoyo wose Mose’mi, mose, kwaari tendai Nhasi mutende, muchiti: Pindai Usakaterera Achimushoora Uchazoshayiwa mufaro waSHE Bva wakazarura Achimufarira Ndiye wopiwa mufaro naye.

097Chizorora, mweya wanguRCZI

Verse Chizorora, mweya wangu Bambo vako ndi…..SHE Zvose ungazvishandura Ha’shanduki i…..ye Vanhu vose vanoshuva Rugare hava…..na Vachifunga zvinouya Vachida zvae…..nda Chizorora, mweya wangu Tenda zvawapi…..wa Ona, zvose zvinopera Shuva iye o…..ga

098Kana uchingonzweRCZI

Verse Kana uchingonzwe njonzi Rega kunyunyu…..ta Uripo pedo Mubetseri Kana uchingonzwe njonzi Rega kunyunyu…..ta SHE uchakurwi…..ra. Zuva redambudzo guru Tarira SHE o…..ga Nyengeterawo zvikuru Zuva redambudzo guru Tarira SHE o…..ga Simba rake ro…..ga Amen, amen, shoko rake Rine zviravi…..rwa Nyange chimwe hachiputswi Amen, amen, shoko rake Rine zviravi…..rwa Ndozvinamati…..ra. Rega hako kufunganya Zvaakatiu…..dza Zvamangwana usazvitya Bambo vachakubetsera Zvavakatiu…..dza Vachakuchenge…..ta!

099Ndinofadzwa misi yoseRCZI

Verse Ndinofadzwa misi yose Ndinokombore…..rwa Uye madambudzo ose Ndinoshanduri…..rwa Uye pose pakawoma Mvura ndinosiiona Nyange pausikuwo Ndinovhenekerwapo. SHE, mazuva omufaro Anga akawa…..nda Anga achisha’iwa nhamo Achingore…..ra Njodzi, uye kutambura Zvanga zviripo zvishoma Namazuva ose, SHE Ndovigirwa zvitsvazve. Bundo, uye nzizi dzose Gungwa rakadzi…..ka Miti namakore, zvose Tinokombore…rwa Misi yose tinopiwa Rudo rwenyu, uye simba Bambo, tibetsere’su Kuti timuongewo! Kana paupenyu hwuno Matipavuri…..ra Muchazotivigireiko Apo kude…..nga Kana tapedza rwendo Takazova nomukundo SHE uchazotipawo Mubayiro weduko!

100Nyararai henyuRCZI

Verse Nyararai henyu Vana vaSHE Zvigadzei mwoyo Shungu dzipwe Musazotya SHE unonzwa Chikumbirai Uchamupai Munhamo dzose Danidzirai Wogona zvose Unomunzwai! Togara hedu Tiri vaSHE NdiBambo vedu Shungu dzipwe Tichagotyei Tichachemei timutendei Wotida sei Jesu SHE wedu Tichengetei Munhare yedu Mutivanzei

101Ndasiya zvose pana SHERCZI

Verse Ndasiya zvose pana SHE ka…..re Wakandisengera zvi…..vi Ndiwandiripira cho…..se Bva musengwa wangu ndokuwa ipapa! Ndosiya zvose pana SHE cho…..se Ndomutenda misi yo…..se Zvino ndinofara ko…..ga Pachifuva chake cho…..ga Pose ndichatevera iye Jesu SHE! Dosiya zvose pana SHE wa…..ko Chimuudza zvose zva…..ko Ndiye une simba ro…..se Wakabata ushe hwo…..se Mwoyo wake unokuda sei Uchatyei?

102Kana nhamo zhinji RCZI

Verse Kana nhamo zhinji dzakukomba Iwe uchityawo kuparadzwa Rava zvose zvawakambopiwa Uchaona zvawakaitirwa. Rava zvose zvaakakupa Funga zvose zvaakaita Rava zvose, chiverenga Uchazokanuka zvawakapiwa. Kana mwoyo wako waremerwa Ukazokoniwawo musengwa Dzinga nyunyutiro, chiverenga Komborero dzaSHE dzaakupa. Kana uchiona vakafuma Rangarira zvawakavigirwa Funga wakandokugadzirira Fuma yako zhinji pakudenga.

103Tofara seiRCZI

Verse Tofara sei munyika yakadai? Iropa raSHE roti: Zororai! Tofara sei, tichingonetswazve? Mufaro kwawo kubatira SHE! Tofara sei munhamo dzakadai? Inzwi raSHE roti: Nyararai! Tofara sei, munhamo dzakadai? SHE uripedo navo nesuwo! Tofara sei, tisingazivi’su? Toziva Jesu, ndiye SHE wedu! Tofara sei, norufu ruripo? SHE Jesu wakakunda rufuwo! Chimborega! Tichandofarapo; SHE Jesu wotidanira uko.

104Rudo rwaSHE Bambo RCZI

Verse Rudo rwaSHE Bambo vedu Rukuru; Nounyoro hwoWedenga Ukuru; Ropa raSHE ratipodza Nyasha yake yatifadza Noruoko watirwira Tofara! Nyange tichaone nhamo Hatityi; Wakatipawo chengeto Zvokwadi; Kuna Jesu tinotenda Toshumira SHE Wedenga Mweya wotiperekedza Tofara! Tinongositatirawo Mufaro; Kunyangova tichichema Totenda! Bambo vedu vatinoda Jesu wotitaririra; Rufu nyange ruchisvika Tofara.

105Jesu, imi mogaRCZI

Verse Jesu, imi moga Ndichate…..nda Nyange ndarashika Mondidzo…..sa Pasi nokudenga Hapachi…..na Wofanana nemi Mandifi…..ra! Jesu, zita renyu Ndingate…..nda Iro matumidzwa Pakuzva…..rwa Namachinjikano Rakanyo…..rwa Ndingatenda iro Renyu ro…..ga Jesu, rudo rwenyu Ndinote…..nda Ndimi mainzwira Vose nya…..sha Namaperembudzi Maapo…..dza Kwa’kusino mumwe Waidzi…..ngwa Jesu, shoko renyu Ndinote…..nda Handinganyunyuti Zviravi…..rwa Uye ropa renyu Rinoko…..sha Zita, shoko, ropa Zvandirwi…..ra!

106Rwizi rworugareRCZI

Verse Rwizi rworugare Rwakanaka sei Musi woruzere Rwodziviswa nei Runodira kwazvo Rwoerera sei Rwakafara harwo Nokudzika sei! KOROSI Vanotarira SHE Vonatsiwawo Nairwo rugare Uye zororo. Paanotivanza Pfumo haripo Tirimo muchanza Todzitirwamo Hakune funganyo Kana kutyawo Nyange dzimwe nhamo Hadzipindimo Nhamo nomufaro Zvobva pana SHE Zvipo zvake izvo Zvaatipazve Ngatitende chose Rudo irworwo Vamutenda vose Vobetserwawo!

107Tsime romufaro RCZI

Verse Tsime romufaro wose Mwoyo wokuo…..nga Chindipai mazuva ose Ndigomurumbi…..dza Ino Ebenez’re yangu Mandisvitsa pa…..no Bambo ndisesedzwe hangu Ndigosvika u…..ko Jesu ndiwakanditsvaka Ndanga ndarashi…..ka Wakandiripire mhaka Ndiwakandifi…..ra Nyasha dzenyu dzakurisa Dzondipavhuri…..ra Ndidzo dzichandisimbisa Kumunamati…..ra Bambo, ndinoziva hangu Ndinosimusi.….ya Bva ndomupa mwoyo wangu Mugouchenge…..ta

108Jesu munondidaRCZI

Verse Jesu munondi…..da Nditizire kwe…..nyu Mugondichenge…..ta Pachifuva che…..ngu Dutu rinori…..ra Mvura yondimi…..nya Ndomunamati…..ra Zvigondidari…..ka! Utiziro hwa…..ngu Jesu, ndimi mo…..ga Mubetseri wa…..ngu Ndisagara ndo…..ga Ndinongomute…..nda Munonditsigi……ra Pandasha’iwa si…..mba Munganditsigi…..ra! Kristu, Muchenge…..ti Ndimi wandino…..da Simba, nyasha njere Zvose munondi…..pa Makashanangu…..ka Ndine zvivi zvo…..se Ini ndakasha…..ta Munobwinya cho…..se! Nyasha dzenyu hu…..ru Mundikanganwi…..re Mvura yechenge…..to Nayo ndinatsi…..we Tsime roupe…..nyu Ndimi, SHE, hamu…..pwi Ndinwe mvura mhe…..nyu Nokusingape…...ri!

109Parima SHE, chitungamiraiRCZI

Verse Parima SHE, chitungamirai Ndivhenekerei! Handichaoni, nzira iripi Ndivhenekerei! Bva handiti: Ndione zvose’ni Ndinongoti: ndisesedzei imi! Mazuva ose nda’ndisingadi Kutende’mi! Muchindibata, ndanga ndichiti: Ndifambe’ni! Bva zvino, chindifambisai imi Panzira yose tungamirai SHE! Mandisimbisa, nhambo dzosewo Nditevedzei! Pabani, nyange panonyudza’po Ndiambusei! Bva kwazoedza, ndichaona’ko Vambondisiya vava ikweyo.

110SHE unondifambisaRCZI

Verse SHE unondifambi…….sa, Ishoko rinofa……dza! Pandinoenda po……se; Uneni misi yo……se. SHE unondifambi……sa Norudyi ndobati…..swa; Ndinoda kusese…..dzwa, Zvaanotungami……ra Parima napanha….mo, Pach’edza nomufa….ro Parwendo rwangu rwo….se Uneni misi yo……se. SHE unondifambi……sa Norudyi ndobati…..swa; Ndinoda kusese…..dzwa, Zvaanotungami……ra Ndibate chanza che….nyu Ndiite kuda kwe……nyu Ndichingotenda zvo…..se Muneni misi yo…….se! SHE unondifambi……sa Norudyi ndobati…..swa; Ndinoda kusese…..dzwa, Zvaanotungami……ra Bva kana ndazope……dza Mubato wapanyi…….ka Handityi rufu cho…….se Muneni misi yo……..se SHE unondifambi……sa Norudyi ndobati…..swa; Ndinoda kusese…..dzwa, Zvaanotungami……ra

111Regai kukundwaRCZI

Verse Regai kukundwa, bva mwoyo tsungai; Kana muchikunda, masimba kudai Irwa-i nesimba, SHE wenyu tendai Chitarirai Jesu, uchamurwirai! KOROSI Nyengetera kwaari Iye amusimbise Jesu ndimubetseri Uchasimurwira! Regai vaipi; kutuka regai Zita raJehova chirirumbidzai Muve nounyoro, bva nhema vengai Chitarirai Jesu uchamurwirai! Vakunda vopiwa korona uko Imi muchakunda, musazotyawo Muchasibetserwa, chitsungirirai Chitarirai Jesu, uchamurwirai!

112NdinosingozipirwaRCZI

Verse Ndinosingozipi…..rwa Ndichingonyengete…..ra Ndinosidanwa na…..ko Kureva kuna Ba…..mbo Mis’yose ndichiche……ma Mwoy’ wangu wainyaradzi…..wa Ndaitiza kuidzi…..wa Ndichingonyengete…..ra Ndinosingozipi…..rwa Ndichingonyengete…..ra Ndotsvaka misi yo…..se Zvandinoshaiwa zvo…..se Zvandarairwa na…..ye Kutenda nyasha ya…..ke Ndorega kunyunyu…..ta Ndichingonyengete…..ra Ndinosingozipi…..rwa Ndichingonyengete…..ra Ndinyaradziwe na…..ko Kusvika ndobva pa…..no Ndichazokwira u…..ko Kum’soro kuna Ba…...mbo Muba’iro ndichapi…..wa Wavakandiravi…..ra!

113Jesu wangu watsaurwaRCZI

Verse Jesu wangu watsaurwa Upenyu hwenyu munondipa Imi mashananguka sei Vokudenga navatumwa Vanozvimhura, vachiona Ushanangurwa hwenyu, SHE Makatsaurwa sei SHE, ndimutererei Jesu wangu Ndinatse’ni Nditodze’mi Ndigozoshanangurwawo! Makashuma, makabata Mabasa enyu, mafumira Kubata nokupedzawo Makavata muchipira Wedenga muchimushumira Ndiite neni izvozvo Usimbe ndisina Ndichingoderowo Ndisvinure Ndinatse’ni Nditodzo’mi Ndigosvinura neniwo! Shanangurai mwoyo wangu Masimba, nokushuva kwangu Ndigofanana nemi, SHE Ziso rangu, uye gumbo Mibato yangu nemifungo Pazvose ndogotodzemi Zvikuru chinatsai Mwoyo’wangu, tsawurai Jesu wangu Ndinatse’ni Nditodze’mi Ndishanangurwe chosewo!

114Tine ropa rakanakaRCZI

Verse Tine ropa rakanaka Kana tazvimhu…..ra Tichitiza zvakaipa Tichangozvidzo…..ra Kuda kwaSHE titendei Zvose tizvifarirei! Hakuchina chiri che…..du Kana muchito…..ra Munotora zviri zvenyu Zvamakatipo…..sa Kunyunyuta tiregei Zvatapiwa titendei! Tofanira kumuonga Zvose tigomu…..pa Kana zvenyu muchireva Tiregomunyi…..ma Bambo, munotida sei Muchazotinyimirei? Zita renyu rikudziwe Zvedu hatifu…..ngi Ichi choga tichitsvake Zvimwe hatizvi …..di Isu tizvishoorei Bambo vedu tikudzei!

115Ndinomuda, ndinomudaRCZI

Verse Ndinomuda, ndinomuda Ndimi SHE wandinoda Kare ndanga ndarashika Ndichitsvaka zvomunyika Zvino fuma huru yangu Ndimi, Muponesi wangu Ndinomuda, ndinomuda Ndimi, SHE wandinoda! Ndinomuda, ndinomuda Ndimi SHE wandinoda Kare ndanga ndanetsiwa Nomufaro ndaishayiwa Zvino Jesu wandidana Wakazondiita mwana Ndinomuda, ndinomuda Ndimi SHE wandinoda! Ndinomuda, ndinomuda Ndimi SHE wandinoda Jesu mundiudze kwazvo Zvandingamufadza nazvo Ndidzidzeiwo misi yose Ndigomupa mwoyo wose Ndinomuda, ndinomuda Ndimi SHE wandinoda!

116SHE Jesu ndomudaiRCZI

Verse SHE Jesu ndomudai Ndinomutarirai Mafireni Nzwi rangu chidonzwai Mangava chibvisai Mwoy’ wose ndomupai Ndowenyu, SHE! Bva nyasha chindipai Mwoy’ wangu simbisai Ndimutswezve Zvamakafireni Ndinamatiremi Chindibatsiraizve Ndimude, SHE! Ndichi munzirawo Ndisakasvikapo Ndiperekei SHE! Chindifambisai Chinditungamirirai Murima vhenekai Ndisesedzei! Bva kukasvikapo Nairwo rufuwo Handizotyi SHE wangu nditorei Mundigamuchirei Kum’soro ndikwidzei Kudenga, SHE!

117Bwizana roWodengaRCZI

Verse Bwizana roWodenga Rasenga mhaka dzangu Rindondisunungura Pazvivi zva…..ngu Ndouya kuna Jesu Unondinatsa mwoyo Masvina angu ose Unondibvi…..sa. Ndoisa nhamo dzangu PaMuchengeti wangu Unondiporesawo Murapi wa…..ngu Ndoisa kuna Jesu Kuchema kwangu kwose Unondipa mufaro Nenyasha dza…..ke. Ndochemawo zvikuru Kutodza Jesu wangu Ndoshuvawo zvikuru Mufiri wa…..ngu Ndodisawo zvikuru Kupinda mukudenga Pandichandokudzisa SHE wandirwi…..ra.

118Jesu, mandibayirwaRCZI

Verse Jesu, mandibayirwa Munemi ndova…..nda Ropa rateu…..rwa Rondidzikinu…..ra Ndikanganwirei, SHE Zvivi ndibvisi…..rwe. Ndokoniwa cho…..se Mirayiro yo.….se Nyange ndikatsu…..nga Ndikashingai…..ra Mhaka hadziri…..pwi Asi noMufi..…ri. Ndinosha’iwa zvo…..se Nguwo, simba, nje…..re Zvose ndokumbi…..ra Ndichigwadami…..ra Ndichinamati…..ra Chinjikano yo…..ga. Ndichi pasi pa…..no Kukasvika ru…..fu Pakugurwa u…..ko Ndichengete Je…..su Imi mandibayi…..rwa Munemi ndova…..nda.

119Ngatiende! ngatiende!RCZI

Verse Ngatiende! ngatiende! Kuna Jesu, timutende Pano pasi pakashata Mwoyo wangu unoshuva Uko kuna Jesu SHE! Uko kuna Jesu SHE! Zuva rangu! Zuva rangu! Ndimi Muponesi wangu! Vheneka-i ndichienda Nzira yenyu yokupinda Ushe hwenyu, Jesu SHE! Ushe hwenyu, Jesu SHE! Nziyo dzenyu! nziyo dzenyu! Imi, muri muupenyu, Ndinochema kungodzinzwa, Kunzwa nokurumbidza, Muponesi, Jesu SHE! Muponesi ,Jesu SHE! Uko seri! uko seri! Ndongotarirawo mberi Shungu dzose dzomunyika Dzichapera ndichisvika. Mundisvitse, Jesu SHE! Mundisvitse, Jesu SHE!

120Jesu, SHE wanguRCZI

Verse Jesu, SHE wangu Mundichengetei Panomufaro Nyange pashungu Mundiponese, SHE Jesu SHE Jesu! Jesu ndirwirei Ndisamboisva Ndisarashika Mundifambise Mundiponese SHE Jesu SHE Jesu! Jesu murufu Mundibatise Musha wedenga Mundisvikise; mundiponese SHE Jesu SHE Jesu!

121Jesu SHE, musandisiyaRCZI

Verse Jesu SHE, musandisi…..ya Nyasha mundipei Muchitaririra va…..mwe Neni ndinatsei! Jesu, Tenzi, chidoswederai Muchitaririra vamwe Neni ndinatsei! Zvino ndofungama, Je…..su Ndinomutendai Ndinotsvake nyasha dzenyu Zvino dondipai. Mungandinyaradza mo…..ga Ndinomuda sei Pano pasi nokude…..nga Ndichazotsvakei!

122Jesu wangu wakanakaRCZI

Verse Jesu wangu wakanaka Jesu wangu uripi Misi yose ndinotsvaka Bva ndichamuwanepi Mwoyo wangu unochema Uchanyaradziwa nei Zvivi zvangu zvinorema Bva ndicharemudzwa sei? Nyika haingandifadzi Zvayo handichazvidi Ini zvandiri mutadzi Shungu dzangu hadzipwi Dzichapwiswa ndichiwana Muponesi Jesu SHE Ndinoramba ndichidana Jesu wangu uripi? Ngandipiwe mapapiro Ndigokwasha Jesu SHE Ndichafara zuva iro Randasvika kwaari Wakadana vakanyara Vagowana zororo Vane shungu vachafara Neni ndichafarawo!

123Mufiri, SHE wanguRCZI

Verse Mufiri, SHE wangu, ndichatenda sei? Pasina zvangu zvose, ndichamufadza nei? Pasina zvangu zvose, ndichmufadza nei? Ndakanga ndasi’wa ndanungwa naSHE Bva shungu dzakapera, ndararamiswazve Bva shungu dzakapera, ndararamiswazve! Bva zvino ndawana rugara naye Mwoy’ wangu wakazara nezvakaita SHE Mwoy’ wangu wakazara nezvakaita SHE! Dai vose vachinzwa, vamuzivewo Zvamakatida tose, vamushumirewo! Zvamakatida tose, vamushumirewo! Tipei simba renyu, tigova vanyai veEvangeri yenyu, tifare tichidai veEvangeri yenyu, tifare tichidai! Hatingazviregi, tichingotiwo Mufudzi ave mumwe, neboka rimwewo! Mufudzi ave mumwe, neboka rimwewo!

124SHE Jesu ndinodo kunatswa nemiRCZI

Verse SHE Jesu ndinodo kunatswa nemi, Mupinde mumwoyo, mugosabvazve! Bvisai zvivi zvose, mapfumo dzingai; Ndisukei 'kozvino SHE, chindinatsai! Chindinatsai, SHE, chindinatsai! Ndisukei 'kozvino SHE, chindinatsai! SHE Jesu makwapa ezvivi dzimai Isai ropa renyu masvina sukai; Ndorashawo zvivi nezvose, onai! Ndisukei 'kozvino SHE, chindinatsai ! Chindinatsai, SHE, chindinatsai! Ndisukei 'kozvino SHE, chindinatsai! SHE Jesu ndipiwe mwoyo m'tsva nemi; Mungandibetsera, ndigozvipemi; Muchandidavidza, ndinomutendai ! Ndisukei 'kozvino SHE, chindi natsai! Chindinatsai, SHE, chindinatsai! Ndisukei 'kozvino SHE, chindinatsai!

125SHE ndibateiRCZI

Verse SHE ndibatei, handine simba rose Handingafambi, ndiri ndogawo SHE, ndibatei, nokuti mwoyo wangu Hauzotyi zvose, imi muripo. SHE ndibatei, muswededzei pedo Ndinongofara nemi moga, SHE SHE, ndibatei, ndirege kutsawuka Neshoka dzisatedzemukazve! SHE, ndibatei, handichoni ch’edza Panzira dzose mundivenekerei Bva kana ndichiona chiso chenyu Mumwoyo mangu ndongofara sei. SHE, ndibatei, ndichizosvika paya Panodirira rwizi rworufu Chiedza chokudenga chivheneke Ndigondosvika mhiri kwarwowo!

126Ndinosimuda SHERCZI

Verse Ndinosimuda SHE Kundibetsera Nzwi renyu ndigonzwa kundinyaradza Ndotsvaka imi moga Mwoy’ wangu womushuva Nditaririre Jesu Ndinyaradze-i! Ndinosimuda SHE Sara-i neni Ndingazokundawo Muri pandiri! Ndinosimuda SHE Pandinofara Pandotamburawo Musandisiya! Ndinosimuda SHE Ndinatswe chose Ndimushumirewo Nomwoyo wose!

127Pedo, Wedenga SHERCZI

Verse Pedo, Wedenga SHE Ndiswededzei Nyange ndowirarwawo Nenhamo sei Ndingoimbaizve Pedo, Wedenga SHE Pedo, Wedenga SHE Pedo nemi! Nyange ndavirirwa Ndoga hangu Ndikadzimirawo Nzira yangu Munjodzi ndivenze Pedo, Wedenga SHE Pedo, Wedenga SHE Pedo nemi! Bva nyasha chindipai Ndibetserei Nyange munhamowo Ndimukudzei Igoswededze’ni Pedo, Wedenga SHE Pedo, Wedenga SHE Pedo nemi! Kana ndapedza, SHE Rwendo rwangu Ndichingokwirawo Kudenga’ko Ndichandoimbazve Pedo, Wedenga SHE Pedo, Wedenga SHE Pedo nemi!

128Batai ruoko rwanguRCZI

Verse Batai ruoko rwangu Ndifambisei Mundi’se kum’sha kwangu Ndisvikisei Handingazivi nzira Ndiperekei Pamunotungamira Nditevedzei! SHE, kana ndakanyara Ndizorodzei Bva kana ndinorwara Ndiporesei Murezve mwana wenyu Aregotya Afare mberi kwenyu Achimuda! Pandotambura hangu Ndawirwawo Namadambudzo angu Handityipo Ndichangonyengetera SHE, mundinzwei Batai ruoko rwangu Ndifambisei!

129Ndakaitirwe nyashaRCZI

Verse Ndakaitirwe nyasha huru Inyasha dzaSHE dzoga’dzo Rinenge riri nenji guru SHE Jesu wandifirawo NdiMuponesi wanguzve, Inyasha dzaakandipa SHE, Ndakanga ndisina kunaka Bva zvino ndashanduka sei Ndakanga ndawandirwe mhaka Ini ndaidziripa nei NdiMuponesi wanguzve, Inyasha dzaakandipa SHE, SHE Jesu, ndinotenda zvose Zvenyasha dzamakandipa Ndichanyepera vanhu vose Ndichiti: Jesu watida NdiMuponesi wanguzve, Inyasha dzaakandipa SHE, SHE Jesu wangu wounyoro Mundipe nyasha dzenyuzve Mugondisvitsawo kum’soro Kudenga kwamuri’mi SHE NdiMuponesi wanguzve, Inyasha dzaakandipa SHE,

130Ndifuwisei, WedengaRCZI

Verse Ndifuwisei, We…..denga Mibato ya…..ngu Ndisvinudzei, ndi…..ne Kushata kwa…..ngu. Chikwashai mwoyo wangu Munodizi…..va Munditaridze zva…..ngu Ndigozvise…..ma. Chivhenekerai chifu…..va Nehana ya…..ngu Mundibetse ku…..nzwa Kuipa kwa…..ngu. Mifungo, SHE, muidze Mashoko o…..se Mis’ yose ndimuku…..dze Nomwoyo wo…..se. Chifuwisai mwoyo wangu Unake cho…..se Musuke zvivi zva…..ngu Zvigobva zvo…..se.

131SHE Jesu, ndazvisungaRCZI

Verse SHE Jesu, ndazvisunga Kuzokushumirai Mugare pedyo neni SHE wangu, chiuyai Handityi pfumo ro…..se Muchipandirizve Handichazotsawu…..ki Ndiri pamuri SHE! SHE Jesu ngandimunzwei Imi munondida Nzwi renyu ndirizive Nditererei iro Revai, ndisimbisi…..we Muchandidzorazve Revai, ndigonzwa kwa…..zvo Ndigomufadza, SHE. SHE Jesu! Makamboti Vanokushumirai Pamakakwira, apo Vachakuteverai SHE Jesu, ndazvisu…..ngu Kuzokushumirai Mundipe nyasha dze…..nyu Ndigokuteverai. SHE Jesu,ngandione Makwara enyu’po Ndigozotsika awo Nesimba renyuwo Mutungamire, Jesu Ndikwevere-i ’po Mugondigamuchi…..ra Kudenga ikoko!

132NdakarwirwaRCZI

Verse Ndakarwirwa nemi, Jesu Ndakatengwa ha…..ngu Ndinotenda Shoko renyu Handizovi wa…..ngu! Ndakasunungurwawo Jesu, ndava we…..nyu Zvose zvose ndozviisa Pamakumbo e…..nyu. Ndakarwirwa zvino Jesu Ndinozvipa ha…..ngu Ndodo kutenda chose Handizovi wa…..ngu. Ndakarwirwa, simba rose Ndakapa SHE wa…..ngu Kushumira iye oga Handizovi wa…..ngu. Ndakarwirwa, ndava waSHE Chose paruzi…..ma Ndichandomuona uko Ndigomurumbi…..dza. Mweya wakashananguka Zadza mwoyo ye…..du Kuti tose tigoreva Hatizove ve…..du!

133SHE ndimi rudoRCZI

Verse SHE ndimi rudo Ndomupa mweya wangu wose Ndomudzosera zvamandipa Upenyu hwangu hugonaka Mazuva o…..se. Chiedza chondivhenekera Ndomupawo chimwenje changu Ndomudzosera chendinacho Ndiwane pachadzera chenyu Chiedza cha…..ngu. Mufaro woupenyu hwangu Nyanguvawo munjodzi dzose Ndinomuzarurira mwoyo Ndigovigirwawo mufaro Parwendo rwo…..se. Nechinjikano yondikwidza Handingaitesunyi kure! Ndorasha zvose zvinofadza Ndichinakirwa kumukudza Kusingape…..ri.

134MugoshanangurwaRCZI

Verse Mugoshanangurwa, vatendi, tsungai; Hamuna masimba, pana SHE piwai; Idaiwo vakristu, chibetseranai SHE unomuona, muchingosidai! Mugoshanangurwa, vatendi, tsungai; Mufaro wenyika woenda, fungai SHE unomudana, chinyengeterai Mashoko aJesu misi’ yose ravai! Mugoshanangurwa, vatendi, tsungai; Nyanguva panhamo chimuteverai Mutarire Jesu, chizomutodzai Mupiwe masimba, chitsungirirai! Mugoshanangurwa, vatendi, tsungai: Mugofungisisa chinhambo tsvakai; Mutevere Mweya kutsime, chinwai, Mugozofanana naJesu kudai!

135Pedo zvikuru,RCZI

Verse Pedo zvikuru, ndiswededzei Jesu, SHE wangu, ndinomuda sei Ndigozombundikirwa nemi Inhare yangu; ndotizirepi? Pedo zvikuru, ndouya nei Jesu, SHE wangu, ndomuvigirei Mwoyo wezvivi ndiwoga, SHE Handina zvose; mundinatse ini Pedo zvikuru, ndikweverei Ndorasha zvivi, ndozvivenga sei Uyewo zvose zvandamboda Ndoshuva Jesu SHE wangu oga! Pedo zvikuru, ndisimbisei Nyangwe panyika ndotambura sei Uko kudenga ndive ini Pedo zvikuru, SHE wangu, nemi!

136Musatsvaka zviri pasiRCZI

Verse Musatsvaka zviri pasi Zvinosvava, hazvifadzi Rudo rwokusingarebwi Chitsvakai, chitsvakai! Musatsvaka zvapanyika Ndokushuvawo pasina Bva zvomwoyo zvinokosha Chitsvakai, chitsvakai! Chitsvakaiwo komborero Mugovaraidzwa mwoyo Mungapiwa kanganwiro Chitsvakai, chitsvakai! Chitsvakai ushanangurwa Nounyoro hunofadza Uye kuzvikumikidza Chitsvakai, chitsvakai! Chitsvakai, zvoushe hwake Paridzaiwo Shoko rake Nokufudza boka rake Chitsvakai, chitsvakai!

137Jesu waswederaRCZI

Verse Jesu waswedera Achivapereka Mwoy’ yavo yaipisa Vachivhunzana SHE, swederai? SHE, swederai! Jesu waswedera Vachimufarira SHE, achifamba na’vo Vakanyaradzwa SHE swederai, SHE swederai! Jesu waswedera Nyunyutiro ndokubva Achivaudza Kristu Zvaakafira SHE swederai, SHE swederai! Jesu waswedera Vapedza rwendo’rwo Ndokumuzivurura NdiTenzi wavo SHE swederai, SHE swederai!

138Ndinomupa zvoseRCZI

Verse Ndinomupa zvo…..se Ndive wenyu cho…..se Nhamo dzangu ndomupai Nadzao ndigomukudzai! SHE, maoko a…..ngu Ndinomupa ha…..ngu Shoka dzangu naidzo Dzigomufambira vo! Nenzwi ndinomu…..pa Rigomuimbi…..ra Nomuromo wanguzve Ngaureve zvenyu, SHE! Fuma yangu yo…..se Ndinomupa cho…..se Nemifungo yanguwo Ndimukudze, SHE, nayo! Jesu, kuda kwa…..ngu Kuve kuda kwe…..nyu Mwoyo wangu naiwo Ive imba yenyuwo! Uye, rudo rwa…..ngu Ndodurura ha…..ngu Chose ndinozvipe’mi Ndive wenyu moga, SHE!

139Tibatei! Tibatei! RCZI

Verse Tibatei! Tibatei! Tishumire Jesu; Ngatifambe nenzira ya ‘tipaisu. Misi yose masimba ngatikumbirei, Tigobata nomwoyo nesimba, hendei! Tibatei! Tibatei! Tibatei! Tibatei! Titsungei! tibatei! Kusvika SHE adzokazve. Tibatei! tibatei! vane nzara vadye, Vanenyota, vauye kutsime raShe! Tifarei kunyepera vanoda kunzwa, Kuti She wavafira, varege kufa. Tibatei! Tibatei! Tibatei! Tibatei! Titsungei! tibatei! Kusvika SHE adzokazve. Tibatei! Tibatei! Tishumire Jesu; Ngatifambe nenzira ya ‘tipaisu. Misi yose masimba ngatikumbirei, Tigobata nomwoyo nesimba, hendei! Tibatei! Tibatei! Tibatei! Tibatei! Titsungei! tibatei! Kusvika SHE adzokazve. Tibatei! tibatei! ngatitsungirirei; Misi yose titende tinyengeterei; Bva muba’iro tichazondopiwa naShe,Tichifara zvikuru kudenga naye. Tibatei! Tibatei! Tibatei! Tibatei! Titsungei! tibatei! Kusvika SHE adzokazve.

140RungamiraiRCZI

Verse Rungamirai, mwoyo rwadzai! SHE wakamupa mubato, batai! Nomwoyo wose batirai iye, Bva mugozotaririrwawo naSHE! Batai! batirai SHE! Endai! mumukudzei! Mumukuldzei! mumukudzei! Rungamirai, mwoyo rwadzai! Simba muchazoripiwa, tsungai! Dambudzo rinozikanwa naSHE, Nyangwe nevudzi rorahwa naye Batai! batirai SHE! Endai! mumukudzei! Mumukuldzei! mumukudzei! Rungamirai, mwoyo rwadzai! Muchandogurwa ikweyo, fungai! Saka mubate pamberi paSHE, Kuti murege kugurwa naye! Batai! batirai SHE! Endai! mumukudzei! Mumukuldzei! mumukudzei! Rungamirai, ruramisai! Shoko raJesu, SHE wenyu, inzwai! Mugondosvika paachamupai Zvakavigirwa vatsunga kudai! Batai! batirai SHE! Endai! mumukudzei! Mumukuldzei! mumukudzei!

141Ngatibatei nesimbaRCZI

Verse Ngatibatei nesimba, Tisavirirwa'po; Ngatibatei kwoidza Kuchidziyawo. Ngatibatei ropisa Namasikatiwo. Ngatibatei nesimba, Zuva richi'po. Ngatibatei nesimba, Tisavirirwa'po. Ngatibatei mis' yose, Tichitsungawo. Nemhambo imwe neimwe Ngatibatei nayo; Ngatibatei nesimba, Zuva richi'po Ngatibatei nesimba, Tisavirirwa'po; Rima rodo-kusvika, Ch'edza chichipo. Ngatibatei kwasviba, Namadekwanawo; Ngatibatei nesimba, Zuva richi'po

142Chiendai vatendiRCZI

Verse Chiendai vatendi, Endai kundorwa; Muchaperekedzwa Nomuchinjikwa. Unotungamira Ndiye Kristu SHE; Muchaperekedzwa Nomuchinjikwa. Chiendai, vatendi, Endai kundorwa; Muchaperekedzwa Nomuchinjikwa. Satan' uchatiza, Unotya imi; Chiendai, vatendi Muchakundazve! Unohuta kwazvo, Achinzwa imi; Simudzai manzwi, Rumbidzai SHE! Chiendai, vatendi, Endai kundorwa; Muchaperekedzwa Nomuchinjikwa. Pfumo raSHE Jesu Ndiyo Kereke; Ngatitevereiwo Kundorwira SHE! Tiri vamwe isu, Imwe dzidzowo; Vamwe pakutenda, Uye rudowo Chiendai, vatendi, Endai kundorwa; Muchaperekedzwa Nomuchinjikwa. Chiuyai, vehama, Tose tiendei; Rwiyo rwokukunda Ngatiruimbei; Kristu ndiShe wedu Ngatimukudzei; Nokusingaperi Timurumbidzei! Chiendai, vatendi, Endai kundorwa; Muchaperekedzwa Nomuchinjikwa.

143Chiponesai, vafiRCZI

Verse Chiponesai, vafi nananopera; Vose vabatwa nezvivi rwirai; Vakagumburwawo muvamurudze Simba raJesu SHE chivaudzai. Chiponesai vafi navanopera: Vose vabatwa nezvivi rwirai. Nyangwe vorambawo unomirira Kugamuchira vatendeuka Vagombedzere-I, vauye zvino; Mhaka vachakanganwira naye! Chiponesai vafi navanopera: Vose vabatwa nezvivi rwirai. Mwoyo womunhuwo nyagwe washata, Ungazonatwa nenyasha dzaSHE Ungadzosiwazve ukashandurwa Ungamutsowa ugotendezve. Chiponesai vafi navanopera: Vose vabatwa nezvivi rwirai. Chiponesai vafi, samarairwa Muchasimbiswa naJesu tsungai Nenzira nhetewo muvaratidze Muvanyepere: SHE unomudai! Chiponesai vafi navanopera: Vose vabatwa nezvivi rwirai.

144Mukai , mukai, vatendi!RCZI

Verse Mukai , mukai, vatendi! She wenyu chirwai! Vepfumo rake rose, Mireza murudzai! Pakurwa muchakunda, SHE Jesu anemi; Vavengi vagopera, Kristu agova SHE! Mukai, mukai vatendi! Hwamanda tererai; Indai kupfumo mose, She wenyuteverai; Imi, varanda vaSHE. Uyai, mushumirei; Nyange munjodzi huru Nesimba murwirei! Mukai, mukai vatendi! She wenyu mirirai; Nesimba rake roga Varume simukai! Nenhumbi dzose dzaSHE Mutore, chipfekai; Pamunodanwa pose, Musatya, chipindai. Mukai, mukai, vatendi! Anozoperawo Mapfumo pano pasi, Patairwa nawo; Vakundi vanopiwa Korona ikweyo; Vachazobata ushe Husingaperiko!

145Ndoshongana sei naJesuRCZI

Verse Ndoshongana sei naJesu, Ndichandomuvigirei? Hati ndakamubatira Zuva rimwe; ndoitei? Ndoshongana sei naJesu, Ndichandomuvigirei? Zvandisina mumwe oga Kundoisa kuna SHE! Handichatyi rufu hangu, Zvandarwirwawo naye; Bva ndosvoda zvandisina Chandingavigira SHE Ndoshongana sei naJesu, Ndichandomuvigirei? Zvandisina mumwe oga Kundoisa kuna SHE! Dei makore okuchinya Ndaiadzoserwazve, Ndaiapa Jesu wangu, Ndaiterera iye! Ndoshongana sei naJesu, Ndichandomuvigirei? Zvandisina mumwe oga Kundoisa kuna SHE! Sva, mutendi, usazeza, Muka, chibatira SHE; Shingairira varashiki, Rwisa kuvadzosazve! Ndoshongana sei naJesu, Ndichandomuvigirei? Zvandisina mumwe oga Kundoisa kuna SHE!

146Jesu, takauyawoRCZI

Verse Jesu, takauyawo; Matidana, muchitida. Mwoyo yedu inodo Kuswedera, tichitenda. Iko zvino muve nesu, Tichinyengetera isu. Jesu, makatipawo Mweya Wakashananguka. Kududzira kunesu Shoko renyu rakanaka; Tibetserei kuzorida, Tigotenda tichirinzwa. Mwoyo yedu shamisai, Tigogarnuchira shoko. Mweya wenyu chitipai, Tigorinzwisisa kwazvo. Tigopiwa uko mberi Upenyu husingaperi.

147Jehova wamapfumo, SHE!RCZI

Verse Jehova wamapfumo, SHE! Ndoshuva imba yenyu sei, Kumuimbira nziyo dzenyu! Nomweya ndinopangawo Kupinda mumba menyu mo, Ndinochemera zvenyu zvose, Ndichingodana kunemi: Mundiponese mweya, SHE. Bva nhovo yedu ndimi, SHE, Panhamo matirwirazve; Onai wamakashanangura; Muimba yenyu ndinoda Kugara misi yosewo, Ndifare, ndiregotambura. Mukova wenyu naiwo, Ndinongofara ipapo! Unyoro hwaSHE huripo. Uchava zuva reduwo; Uchatipavhurira nyasha. Munhamo ungarasha sei, Parufu uchasiyirei Vomushumira, vomukwasha? Vanozofadzwa vose, SHE! Vanongositariremi!

148Chiuyai, SHE, kutimutsaRCZI

Verse Chiuyai, SHE, kutimutsa Patakaunganapo; Doshonganai nesu zvino, Tipei Mweya wenyuwo! Chidzosai mimwoyo yedu, Timutende, nesuwo; Tibetserei kuzofamba, Tigosvika ikweyo! SHE, tidzidze shoko renyu, Tigopivv'a upenyu; Tigoona ch'edza chenyu, Chamatungidzire'su! Bambo, Tenzi wokudenga, Mwana, Kristu Jesu SHE. Mweya unotinyaradza; Todo kumukudza-i!

149TinomushumiraiRCZI

Verse Tinomushumirai, Nhasi zuva re.....nyu! Patiri douyai, Nhasi zuva re.....nyu! SHE, nyasha mutipei, Neropa tisukei, Rigotinatsa sei, Nhasi zuva re.....nyu! Tonyengetera SHE, Nhasi zuva re.....nyu! Nesuwo, mutinzwei, Nhasi zuva re.....nyu! Pazvivi tirwirei, SHE, mutibetserei, Tigozvivenga sei, Nhasi zuva re.....nyu! Nzwi renyu torinzwa, Nhasi zuva re.....nyu! Todo kuterera, Nhasi zuva re.....nyu! Tifadzwe, SHE, naro, Ribaye mwoyowo, Rigare ipapo, Nhasi zuva re.....nyu!

150Rinozipa zuva rinoRCZI

Verse Rinozipa zuva rino! Rinositiunganidza: Tinofara naro zvino, Tichikudza SHE Jehova! Rinozipa zuva rino! Iro rakashanangunva, Rakasikwa nyika naro. Uye zvose zvokudencra! Rinozipa zuva rino! Iro rinotizorodza. Ratisirwabati naro. Tigokwasha zvoWedenza! Rinozipa zuva rino! Ndim zuva rokumuka KwoMuraramisi wedu. Jesu, Mwana woWedenga! Rinozipa zuva rino! Ngatiimbe nziyo dzedu, Ngatimukudzise nadzo, SHE Jehova,Tenzi wedu!

151Avo vanotendaRCZI

Verse Avo vanotenda. Pavanoungana; Vanosirumbidza Zita raJehova. Ngatiimbe rudo. Rudo rwaSHE Bambo; Ndirwo rwatifadza Ruchitipa Mwana. Rudo rwaSHE Jesu, Ndirwowo rukuru; Pachigaro chedu Wakafira isu. Isu tichaintha Rudowo rwoMweya; Wakadzinga rima, Wakationesa. Vakashanangurwa Pavondoungana, Vachandointhwa Zita raiehova.

152Denga rakanaka seiRCZI

Verse Denga rakanaka sei, Kunopirwa SHE uko; Nyika yakanaka sei, Nyangwe ine nhamowo; Mwoyo wangu woda sei Vanotenda kunemi; Unoshuwa imi, SHE; Ndimi mune nyashazve! Shiri dzinofara sei, Dzichibhururukamo; Vanofarisisa sei, Vozorodzwa naSHEwo; Sechinjiva chiyazve Chakapinde areka, Vanositizirako, KwaSHE vagovandako! Vanosingoonga SHE, Nyangwe nhamo iripo; Mvura inobva pabwe, Mana vanopiwawo; Vowedzerwa simba dzva, Nyashawo unovapa; Vachazondosvikawo Pavondomukudza’po Bambo chindibetserai, Ino nyika yakadai; Ndichengetei, perekai, Nyasha dzenyu chindipai; Zuva, nhovo ndimi SHE, Chibetsero mundipe; Mwoyo wangu chidzorai; Nyasha, tsitsi, burusai!

153Kudzai WedengaRCZI

Verse Kudzai Wedenga, muchingomuongawo, Mose muchigwadamira iye; Mumupisire zvibayiro zvenyu 'po; Ndiye Jehova, izita raSHE. Uyai nenhamo inomuremed7a-i. Ndiye uchamuremudzai iyo; Uchamunatsa, amuperekedza-i Nzira yoisa kudenea uko. Muregotya kuzopinda mutembere, Muchiti. Tin i vatadzi isu; Mwoyo wazvokwadi ndowaanoda SHE, Ndicho chibayiro chotendwa nave! Tinongohuta tichingoswederapo, Bva tinouya nezita raSHE; Uchatinzwira urombo nenyashawo. Kutya kuitwe mufaro naye.

154Chiimbai, vendudzi dzoseRCZI

Verse Chiimbai, vendudzi dzose, Navenyika ku ….. re; Jesu womudana mose, Amusunungu ….. re; Unomuda, chimunzwai: Zviumbiwa, chiongai! Tinoona ndudzi dzose, Dzinotenda sho ….. ko; Vanhu vemitowo yose, Vashe navaro ….. mbo; Zvigumbuso, chibvisai, Nzira yaSHE gadzirai! Unouya kuzonatsa Vanhu, ndiSHE we ….. nyu! Naye kunoburukira Nzizi dzoupe ….. nyu; Navasungwa, chifarai. Jesu unomurwirai! Nokudero tinoona Ushe hwoWede ….. nga Hunouya, hunolcura, Tose tinofa ….. ra Ndudzi dzose idzedzo Dzive dzaSHE weduwo!

155Shoko rekare-kareRCZI

Verse Shoko rekare-kare. Ndiudze irero, RaJesu SHE mukuru, Norudo makewo. Ndiudze zvakanaka, Uchidudzirazve; Ndosha'iwe simba rose. Ndongoremerwa sei! Shoko rekare-kare Shoko rokunyaradza, Shoko roMuchengeti, Ndiudze irero! Ndiudzewo chinyai, Ndigonzwisise'ni; SHE Jesu unopodza Varwere saini; Ndiudze, upamhidze, Ndinokanganwawo; Mwoy' wangu washatiswa Nezvivi zvirimo. Ndiudzewo zviuya, Urangarirezve; Ini ndiri mutadzi, Ndafirwa naye SHE; Ndiudze misi yose, Ndiudze zvose 'zvo: Zvinozondinyaradza Pandonyunyuta 'po. Shoko rekare-kare, Ndiudze irero Nomusi wawaona Ndichitsawukapo; Nyanguva kana rufu Rwondisvikirawo, Handidi rimwe shoko, Ndiudze irero.

156NdiJesu uchazova SHERCZI

Verse NdiJesu uchazova SHE, Uchazokudzwa posezve, Zuva parinopota 'po Navanhu vose vosewo! Unosipirwa iye She; Unosikudzwa pose 'ye; Rumbidzo inokwirawo Soutsi paartare 'po. Vendudzi dzose, chimukai, She wenyu chinamatirai! Venyikawo chibvumirai Vedenga, nemi chiimbai!

157MakangorevaRCZI

Verse Makangore .....va, Rima ndoku ..... bva, Rikamunzwai; Tonyengete.....ra: Mutume ch'e.....dza; Pane zari.....ma, Chivhenekai! Mabva kude.....nga, Mativigi.....ra Zvipo zvadai: Mwoyo wora.....pwa Meso apo.....dzwa; SHE, ndudzi dzo.....se Chivhenekai! Mweya woru.....do Nowoupe.....nyu, Chimbidzikai! Mundofambi.....sa Mwenje wenya.....sha; Kwose kwasvi.....ba Chivhenekai! Bambo venya ..... sha Mwana noMwe ..... ya, Tomukudzai! Mwene semvu .....ra Yozadza gu ..... ngwa, Pose panyi ..... Ka Chivhenekai!

158SHE, uyai, mutsai marudziRCZI

Verse SHE, uyai, mutsai marudzi Avasingazivi 'mi; Vose vamatamburira Vagotenda kunemi; Shoko renyu romufaro Varashiki ngavanzwe; Zvavakavigirwa nemi, Bambo, muvazivisei! Nyangewo vasingazivi, Vanhu vanokushuvai; Vanochema, vane nhamo, Vanodana vachidai; Vanotsvaka mvura mhenyu, Nyota huru vanayo; Vanopanga zvokudenga, Vanokwasha Jesuwo. SHE, onai, votambanudza Zvanza zvavo, vachidai; Vanokwasha kunatsiwa, Mweya wenyu dovapai; Vatumirwe vanyai venyu, Shoko ngavatererei; Varashiki vachengetwe, Jesu SHE vateverei.

159Rwiyo ngaruimbweRCZI

Verse Rwiyo ngaruimbwe: Jesu ndi.....SHE; Ngatimurumbidze, Timuku.....dze Ndudzi dzose, chifaral, Rwiyo rwaSHE chiimbai. Rwiyo ngaruimbwe Ubvazu.....va; Urwo ngarunzwike Uviri.....ra, Chaina, nyange Indiawo, Ngarufadze vanhu 'po. Rwiyo ngaruimbwe Namaru.....dzi Aripo pazviwi, Ngaaru.....nzwe; Afrika iimbewo Rwiyo rwaSHE irworwo. Rwiyo ngaruimbwe Jesu ndi.....SHE Nyika ngaizare Kudzo ya.....ke; Timuonge tose 'su Nokusingaperiwo!

160Mutsai, chisimbisaiRCZI

Verse Rwiyo ngaruimbwe: Mutsai, chisimbisai Mubato we….nyu Nesimba guru, SHE, revai Kuvana ve….nyu Mutsai, chisimbisai Mubato we…..nyu Muuye, SHE chitizadzai NoMweya we….nyu! Mutsai, chisimbisai Mubato wenyu; Norudo rwenyu chitumai Mukati medu! Mutsai, chisimbisai Mubato we…..nyu Muuye, SHE chitizadzai NoMweya we….nyu! Mutsai, chisimbisai Mubato we….nyu; Mimwoyo yedu tendesai Neshoko renyu! Mutsai, chisimbisai Mubato we…..nyu Muuye, SHE chitizadzai NoMweya we….nyu! Mutsai, chisimbisai Mubato wenyu; Mishoko zvino chinisai Yemvura yenyu! Mutsai, chisimbisai Mubato we…..nyu Muuye, SHE chitizadzai NoMweya we….nyu!

161Wedenga SHE, titendeRCZI

Verse Wedenga SHE, tite.....nde, Tionge rudo rwenyu; Navanawo vado.....ko Vapiwe nyasha dzenyu! Vatadzawo se.....su, Vakashatiswa chose; SHE wedu ndiSHE wa.....vo NaBambo vedu tose. Matipawo bap'ti....dzo, Sungano yenyu nesu; Tinomupa vana.....na Tichingoonga zvino. Mufarowo noru.....do Matipa, SHE, pamwoyo; Vabereki muva.....pe Betsero yenyu huru. Tisvinudzei nenjere, Tivakurise kwazvo; Tisimbisei, tizi.....ve Kumushumirai navo!

162SHE, tifunge rufuRCZI

Verse SHE, tifunge rufu rwenyu Chirayiro chi.....no; Mutipe chiedza chenyu Tigofunga rufu rwenyu Chirayiro chi.....no; Mutipe upe.....nyu! Totizire'pi SHE Jesu? Ndimi motida ..... na; Tine zvivi nourombo, Totizire'pi SHE Jesu? Ndimi motida ..... na, Motinzwira nya.....sha. Tinouya tichichema, Tine mhaka hu.....ru. Ndimi matidzikinura; Tinouya tichichema, Tine mhaka hu.....ru, Bva tonzwe nzwi re.....nyu. Mweya wangu, chimirira SHE Wedenga wa.....ko; Nyange akunonokera, Ramba uchingomirira SHE Wedenga wa.....ko; Chimutenda ha.....ko!

163ChindimepfuriraiRCZI

Verse Chindimepfurirai, Ndigodya, SHE. Samamepfurawo PaGarire! Pashoko renyu, SHE, Ndotsvake'mi. Ndinomushuva sei! Muzvipe'ni! Mundipe chingwa 'cho, Neniwo, SHE, Neshoko renyuwo Ndiponesei; Uye kudenga 'ko Ndidye nemi; Chingwa chipenyu 'cho Ndipiwe'ni. Mutume Mweya, SHE, Uve neni; Undisvinudzewo, Ndione 'mi. Ndipiwe zvokwadi MuBhaibheri, Mubhuku iyoyi Ndione SHE. Chitaririraizve Mashoko SHE Sezvingwa zviyawo PaGarire. Zvisungo ipapo Zvichazobva; Rugare nairwo Muchandipa.

164Mweya wangu, rangariraRCZI

Verse Mweya wangu, rangarira Jesu Kristu wakufira; Unokukokera zvino, Kuti udye Chirayiro Chakashanangurwa naye, Ugopiwawo rugare: Unodya muviri waSHE, Uchinwawo ropa rake. Chiuya-i maremerwa, Nemi mose makanyara! Ini, Jesu, ndinomuda, Ndini ndinomuzorodza! Bva mutende shoko rangu, Kuti nousiku uhwo Hwandakamutamburira; Ndakaramba kuda kwangu! Kristu Jesu, ndinotenda Shoko renyu randakanzwa; Zvivi zvangu, ndinoziva Ndizvo zvakamusvavisa; Ndokumbire kanganwiro; Ndigobviswe mhaka dzangu; Mundiise kuna Bambo, Imi, Mumiriri wangu! Ndinoziva munondida, Zvivi zvangu makabvisa; Zvino ndinoswederawo Ndichipanga nyasha dzenyu. Ndipei kudya, ndipei kunwa, Ndigopiwa nemi simba; Ndigomubatira kwazvo, Ndimukudze ndichi pano! Kristu Jesu, ndinotenda Shoko renyu randakanzwa; Zvivi zvangu, ndinoziva Ndizvo zvakamusvavisa; Ndokumbire kanganwiro; Ndigobviswe mhaka dzangu; Mundiise kuna Bambo, Imi, Mumiriri wangu! Jesu Kristu, tinoonga, Makatisimbisa zvino, Namashoko omufaro, Uye zviratidzo zvenyu. Zvino mutitaririre, Tichengetwe, tirindiwe, Tigomushumira mberi, Tichisvika uko seri!

165Vanana, zvino tariraiRCZI

Verse Vanana, zvino tarirai, Ndomusha we.....nyu; Kudenga mose chipindai, Madanwa he.....nyu! SHE Jesu unogu'dza 'po Pamwoyo ye.....nyu; Unoti: Ngandipindemo. Ndipei uga.....ro! Waramba Jesu ndiyewo Uchazokwa.....sha Kuzondopinda ikweyo, Bva uchara.....mbwa!

166Wedenga wokum'soroRCZI

Verse Wedenga wokum'soro'ko. Unoda vana saisu; Usiku unorinde'su Namasikati osewo; Unochengeta shirizve, Kudya dzopiwawo naye. Nebundo worinatsa sei! SHE wedu ngatimukudzei! Nevhudzi rangu nairo Mwari wakariravawo; Pandinoswera uri'po; Woziva zvondobatawo! SHE wangu, chindichengetai Ndinoda Kumushumirai! Mumwoyo mangu chip indai, Zvandinosingomutsvakai!

167Tiri vanana heduRCZI

Verse Tiri vanana hedu, Hatine simba guru; Tinongova vadoko, Bva tinoda SHE Jesu. Mazuva ose ose Tingashumira iye, Tichingoramba zvose Zvorwadza mwoyo wake. Tigare tichidana, Tirego-tsamwirana. Nyanguva kutukana, Tichingobetserana. Tifadze misi yose, Tigova nounyoro; Tinatso-ita zvose Nokuda kwaSHE Jesu. Bva nyange tin i vana, Tisine simba rose, SHE tingamushumira Tichi'dza misi yose.

168Jesu, achisiyaRCZI

Verse Jesu, achisi......ya Bambo vokude......nga, Ha'ti akamhu......ra, Vana sainiwo. Pose pa'kafa......mba Vakamuvangi......ra, Vachiisa va......na, Vana sainiwo. Wakavafari......ra, Ha'na kuvadzi......nga; Wakafungati......ra, Vana sainiwo. Ndiwakavafi......ra, Kuzovachenge......ta; Vose unorwi......ra. Vana sainiwo. Vana vanodisa Kumunamati......ra, Vachimushumi......ra, Vana sainiwo.

169SHE Wedenga weduRCZI

Verse SHE Wedenga wedu Unoone'su; Nyange tiri vana, Wotidanawo. Neminyengetero Unosinzwawo; Nounyoro hwake Unorinde'su. Sadza redu rose Unotipe'su, Namaoko ose Wotibatawo. Udza vana vose Kuti Jesu SHE Unotida tose, Nesu timude!

170Jesu unondiRCZI

Verse Jesu unondi......da, Shoko rake nda......nzwa; Vana unova......da, Simba unova......pa. Jesu wandida! Jesu wandida! Jesu wandida! Ishoko randanzwa! Jesu unondi......da! Ndiwakandifi......ra; Akagadziri......ra Pandichandokwi......ra. Jesu wandida! Jesu wandida! Jesu wandida! Ishoko randanzwa! Jesu unondi......da, Uri pedo ne......ni; Kana ndobva pa......no Ndondogara na......ye. Jesu wandida! Jesu wandida! Jesu wandida! Ishoko randanzwa!

171Vana veJerusar'maRCZI

Verse Vana veJerusar'ma Vanokudza Jesu SHE Vana vamazuva'no Vorumbidza iyewo Tererai inzwi ravanazve, Zvai: Hosana! Zvai: Hosana! Zvai: Hosana! mukudzei! Shoko rinozipa sei, Rakareva David She: Vana ose, chiimbai, Kudzo yaSHE chirevai! Tererai inzwi ravanazve, Zvai: Hosana! Zvai: Hosana! Zvai: Hosana! mukudzei! Tinodzidza nhasizve Kuti tide, Jesu SHE! Tigozosifambawo Nzira yaratidzwesu! Tererai inzwi ravanazve, Zvai: Hosana! Zvai: Hosana! Zvai: Hosana! mukudzei! Imi, vana, chiimbai! Navakuru chiongai! Zita rake chikudzai! SHE wavashe rumbidzai! Tererai inzwi ravanazve, Zvai: Hosana! Zvai: Hosana! Zvai: Hosana! mukudzei!

172Ndini chibwizanaRCZI

Verse Ndini chibwiza......na, Pana SHE ndofa......ra, Wandimbundiki......ra; Ndini cha......ke! Jesu unondi......da, Unondichene ..... sa, Unondichenge ..... ta; Ndini cha......ke! Unosindiri......sa, Unondifambi ..... sa, Nokundisimbi......sa! Ndini cha ..... ke! Unondifambi......sa, Ndiye wondifa......dza, Tinosingoda......na; Ndini cha......ke

173Kana Jesu achidzokaRCZI

Verse Kana Jesu achidzoka Uchaunganidza Mabwe ose akanaka, Anobwinya sei! Sechiedza chezuva Anovaima zvikuru Pakorona yaJesu, Anobwinya sei! Uchashara, uchashara, Aise kudenga Mabwe ose akanaka, Anobwinya sei! Sechiedza chezuva Anovaima zvikuru Pakorona yaJesu, Anobwinya sei! Vana vose, vana vose, Vanoda SHE Jesu, Ndiwo mabwe akanaka, Anobwinya sei! Sechiedza chezuva Anovaima zvikuru Pakorona yaJesu, Anobwinya sei!

174Hwiro hwedu ndouvato RCZI

Verse Hwiro hwedu ndouvato Patichazorora, Kana nhamo nomubato Pasi zvatoguma; Jesu ndiwakatifira, Hatingatyi rufu; Jesu ndiwakarukunda, Tikararamiswa. Jesu wakamuka kare, SHE unorarama; Neni ndichava paari, Neni ndichamuka; Ndichafara, ndichatenda Zuva rokumuka; Ndichaonga, ndichakudza Iye wandirwira. Ndingarega kuzokwasha K'rona yokum' soro? Mwoyo unochema koga Kushumira Jesu. Nyika, zvako handizvidi, Hazvibetseri; Zvako ngazvibve pandiri, Handichazvitendi! Vose vandafirwa navo Vakatungamira; Neni ndichauya hangu, Tichazoonana; Nhambo yangu in pedo, Ndinoimirira, Kuzodanwawo kum'soro, Pavakatokwira.

175Tichandoona Jesu ukoRCZI

Verse Tichandoona Jesu uko, Kusine nhamo chose; Mis' yose tisarasha mwoyo, Tichandopiwa zvose; Muhwiro tichandozorora, Norufu hatirutyi; Tinorufunga, tasimbiswa Nechinjikano yaSHE. Miviri yedu yoparara; Muhwiro motoenda, Hatizonetswi nokunyara, SHE uchazotimutsa. Kudenga uchazotikwidza, Tiende kuna Bambo; Muimba iyo yakanaka Uchatipa ugaro. Kutenda uku kunofadza, Kunonyaradza mwoyo; Titsunge, vedu, tigofamba, Tisingatyi makomo! Chengeto yakazara uko, Rugare nomufaro; Hatizovi vatorwa apo; Tichava vana kwavo.

176Ko ndichatya rufu, hwiro?RCZI

Verse Ko ndichatya rufu, hwiro? Kwete, ndinoziva Jesu SHE uri mupenyu, Neni ndichamuka; Jesu wakakunda rufu, Wakapedza simba rarwo; Mubetseri wedu, Zvose zvake zvedu! Muchengeti, nhamo dzangu Makasenga dzose; SHE mupenyu! mwoyo wangu Ndinomupa chose; Ko zvamakatiravira Kuda mungazotinyima? Kwete, vakawanda Vakazondofara. Simbisai kutenda kwangu, Ndigova nesimba Kuzofamba rwendo rwangu, K'rona mugondipa; Ndichitarira kwomuri Zvose hazvingandidzosi; Pano nhamo 'doko Pamufaro wo'ko.

177Upenyu hwedu nziraRCZI

Verse Upenyu hwedu nzira, Bva inogumepi? Kwatinovavarira, Kumusha ndokupi? Toisa meso edu Kwakaenda Jesu wedu; Ngati'nde ikweyo! Jerusar'ma kum'soro, Rugare ruripo; Mufaro nezororo, Norudo ruri'po; Mukai, musanonoka, Muregewo kudzoka; Ngati'nde ikweyo! Musati: Simba redu Richatisvitsako; Nokuti Jesu wedu Unosimbise'su. Nomwoyo uchipera, SHE uchatibetsera; Ngati'nde ikweyo!

178Jesu unondimbundaRCZI

Verse Jesu unondimbunda, Ndinochengetwa; Unondifungatira, Ndichizorodzwa. Hezvo, chinzwai vatumwa Voimba mukudenga, Kunyika yomufaro, Kwandichazondogara. Jesu unondimbunda, Ndinochengetwa; Unondifungatira, Ndichazorodzwa! Jesu inhare yangu; Haine njodzi; Haino kuidziwa, Nyangewo zvivi. Shungu, ukosha, kutya, Hazvizikanwi apo, Pandichandofariswa, Ndazodanirwa uko. Jesu unondimbunda, Ndinochengetwa; Unondifungatira, Ndichazorodzwa! Jesu inhare yangu, Wakandifira; lye ruware rwangu, Pandakamira. Ndinongogara pano, Rima rigozoenda, Kusvika mambakwedza Achizondibudira! Jesu unondimbunda, Ndinochengetwa; Unondifungatira, Ndichazorodzwa!

179Onai mushaRCZI

Verse Onai mu ..... sha Kure uko! Vose vofa ..... ra Vari 'koko. Rudo ruku ..... ru Nomufaro uriko; Hakune nha ..... mo Kure uko! Pindai mo ..... se, Chimbidzikai! Nameso o ..... se Tarisisai! Teverai nzi ..... ra, lyo inokwirako, Uko kude ..... nga; Tsungirirai! Vari kum'so ..... ro Vofadzwako; Pana SHE Je ..... su Vaonatswapo. Vakatambu ..... ra Pano pasi vachirwa, Vachavigi ..... rwa Fuma uko!

180Ko mweya uchandozorora papi?RCZI

Verse Ko mweya uchandozorora papi? Uchazoratidzwa ugaro nani? Ko pano panyika pano musha`po Musingazopindi dambudzo umo? Kwete! Kwete! hakunawo! Zororo yomweya kudenga uko! Kwete! Kwete! hakunawo; Zororo yomweya kudenga uko! Dorasha zvenyika, ukwashe uhwo, Ugaro hwomweya kudenga uko; Jerusar'ma musha kum'soro uko, Haizi zororo yomweya iyo? Hongo, Hongo! ndipo apo. Zororo yomweya kudenga uko! Hongo! Hongo! ndipo apo, Zororo yomweya kudenga uko! Zororo iyo yakanaka uko. Nyanguva norufu harupindipo; Vanongosiimba zviimbo zvaSHE, Vachingofadziwa zvikuru naye. Uko! Uko! mberi uko! Ndichandozorora naJesu uko! Uko! Uko! mberi uko! Ndichandozorora naJesu uko!

181Tarirai, kune nyika uko! RCZI

Verse Tarirai, kune nyika uko! Nokutenda toona iyo; Bambo vedu vanogarapo, Vachingogadzirira isu. Tichandofarawo Musi watichazosvikako! Tichandofarawo Musi watichazosvikako! Tichazondoimbira apo Nziyo dzavadikanwa vaSHE Mweya yedu ichafarawo, Ichingozorodziwa naye. Tichandofarawo Musi watichazosvikako! Tichandofarawo Musi watichazosvikako! Tichandounganira apo, Tichandokudza zita raSHE; Nyasha yake tichaongawo. Tazopiwa zororo naye. Tichandofarawo Musi watichazosvikako! Tichandofarawo Musi watichazosvikako!

182Ndinoda kumuonga, BamboRCZI

Verse Ndinoda kumuonga, Bambo Kumuimbira rwiyo, SHE; Chiedza chotisiya nhambo, Bva imi hamusiyi'ni; Makandirinda zuva rino, Mandichengeta nhasiwo; Imi chitubu choupenyu, Mandiitira zvose 'zvo! Inyasha dzenyu dzandirisa, Makandipavhurirawo! Nanhasi makandifadzisa, Mandipa pandasha'iwa 'po. Madeko ano ndondovata, SHE Bambo, chindizorodzai! Ndanyara nezvandakabata, Masimba matsva chindipai! Ndinomuonga, Bambo vangu, Handifanirwi nazvo, SHE! De ndakarohwa zvivi zvangu, Ndingade ndazovandepi? Bva handichanyunyuti zvino, Makatokanganwireni; Nokuda kwaSHE Jesu Kristu Ndakapembedzwawo nemi! Ndoziva wandakambotenda, Mis’ yose ndomufarirai, Ndoziva bwe pandakavaka, Ha'svodi wamutarirai. Bva ndichisvika pakuguma, Usiku uhwo hworufu, Ndichandoonga SHE wefuma, Zvandaipiwa kunowo!

183Chimukai, mwoyo wanguRCZI

Verse Chimukai, mwoyo wangu, Chigwadamira Bambo! Chionga, uchiimba! Wedenga une simba! Ndakanga ndichivata, Muvengi wakashata, Wakanga andivinga; Wedenga wamudzinga. Wakati: vata hako, Usatya mwana wangu, Nyanguva kwakavira, Ndichakutarira! Mazvi’ta ndazviona; Ndamuka ndakafara, Ndasimba; kwakaedza, Nehope dzakapera!

184Jesu taungana panoRCZI

Verse Jesu taungana pano Kumuonga mangwanani! Mutifadze paungano, Muve pedo nesu SHE! Zvino rima rakaenda, Tinotenda matirinda; Mutimutse, muchipinda Nechadzera chenyu SHE! Tipei mwoyo yakanaka, Mutikanganwire mhaka; Mutinzweiwo, tichitsvaka Nyasha dzenyu huru SHE! Simbisai maoko edu, Tichibata basa redu; Chinatsaiwo nzira dzedu Nomufaro wenyu SHE! Muchengete vanhu venyu, Tigotende shoko renyu, Tichifambe nzira dzenyu, Mutipei rugare, SHE!

185Zuva rino raendaRCZI

Verse Zuva rino raenda, Rima ravapo; Chiedza chakaenda, Zuva hariko; Nyeredzi dzabuda, Hope dzavapo! Shin, ngombe, dzose Dzondovatawo! Jesu, vanhu vose Hope chivapai! Vakanyara vose, Chivazorodzai; Vanawo vadoko, Chivachengetai; Vanofamba rwendo, Chivaperekai! Vose vanorwara, Chivaporisai! Vose vakashata, Chivadzivisai! Nousiku hwuno Munditarirei, Ndimutsei mangwana, Ndimushumirei!

186Ndakanyara, ndondovataRCZI

Verse Ndakanyara, ndondovata, Meso angu akasviba; Bambo vangu vokudenga Muusiku ndirindei. Jesu, ndinochema nyasha, Nokubviswe mhaka dzangu; Muponese mwoyo wangu; Zvivi zvangu chisukai! Hama dzangu, dzandinoda Dzive muruoko rwenyu, Vanhu vapanyika dzose; Vose chivazorodzai!

187Sarai neni, kwavira zvinoRCZI

Verse Sarai neni, kwavira zvi....no, Kwasviba, SHE, mugare pa...no; Hakuna vangabetsere....ni, Uya-i mugosara ne....ni! Upenyu hwuno hunope....ra, Mufar' wenyika wotoe....nda; Kuora ndinoona kwo....se, Musingafi, musare ne....ni! Ndinomuda mazuva o....se, Imi makunda zvivi zvo....se; Mungandirwira moga i....mi, Mis' yose mugosara ne....ni! Handingatyi muchipandi....ri, Mapfumo ambokundwa ne….mi; Rufu haruchazondirwa....dzi; Ndokunda muchisara ne....ni. Ndione chinjikano ye....nyu, Ndichisvikirwa narwo ru....fu; Chiedza chenyu chindisvi...tse Kudenga, kwamuchava ne..ni!

188SHE Jesu Muponesi WeduRCZI

Verse SHE Jesu Muponesi we....du, Tomuimbira rwiyo rwe....du! Topararira, tichie ..... nda; Uyai 'kozvino kutina....tsa! Tipei rugare m'mwoyo me.. .du, Toenda zvino kumba kwe....du; Mwoyo, miromo, chengetaiwo! Zvatakamushumira zvi....no! Tipei rugare nousi....ku, Tivhenekei murima ra....hwo; Mutirwirei panjodzi dzo....se, Pachi'dza naparima po...se! Tipei rugare, Tenzi Jesu! Mis' yose youpenyu hwe....du; Bva musi womuchatida....na Tipei rugare pakude ..... nga!

189Chivatai, ChivataiRCZI

Verse Chivatai, Chivatai! Zvino zuva riri pai? Rakavira; zvino mwedzi Watobuda, nenyeredzi Dzinobwinya, dzichidai. Chivatai, chivatai, chivatai. Chivatai, Chivatai! Basa renyu chiregai! Zvino muchandozorora, Bva Wedenga mumboonga; Chiuyai, chitangai. Chivatai, chivatai, chivatai. Chivatai, Chivatai! Jesu wenyu chiongai; Ngava renyu wakabvisa, Wakaripa, wakapedza, Wakamuda, achidai! Chivatai, chivatai, chivatai

190Zviumbwa zvakanyaraRCZI

Verse Zviumbwa zvakanyara. Zvaenda kundorara, Ihope dzinodai! Wedenga wenyu; fugamai! Bva imi musaenda, Musati mambotenda. Bva zuva riripiko? Radzingwa nousiku, Rakatisiya sei! Bva zuva renyu ndiro Rovhenekera mwoyo! Ko zvino munogozotyei? Wedenga, muchengete Iniwo ndichivete, SHE, mundifukidzei Sehuku vana vayo Namapapiro ayo! Kudaro ndonyunyutirei?

191Nyange ava madekwanaRCZI

Verse Nyange ava madekwana, Tingavata sei kudai? Zvivi zvedu zvinorema, Kanganwiro dotipai! Nyangwe zuva rakaenda, Meso enyu achipo; Anoona nokurinda Vana venyu variko Nhamo ingazotivinga, Pfumo ringasvikawo Bva vatumwa vokudenga Vanosichengete'su. Nyange rufu rwotidana, Tikatorwa narwowo, Tichamukazve mangwana Pakubwinya kwenyuko

192Nhambo dzinongosiendaRCZI

Verse Nhambo dzinongosienda, Zuva, mwedzi, gore; Pasi pose tinosha'iwa Chisingazoori; Pamakwara edu ose Shoka dzinodzimwa; Nhambo dzinoenda chose, Bva todzibvunziwa. Madzibambo anoenda Tiri shure kwavo; Vana vachazotichema, Towa samashazhu, Tose tinosingofamba Nzira imwe iyi. Kunze kwenyu, SHE Wedenga, Vanhu vachadini? Bambo paurombo hwangu; Bambo pamufaro; Bambowo, parufu rwangu, Bambo, nomuhwiro; Nyange zvose zvoshanduka, Munogara henyu; Nyange ndofa, ndozorora Muruoko rwenyu!

193Kwaziwai! Vanyai vaSHERCZI

Verse Kwaziwai! Vanyai vaSHE Vatatumirwa nayezve; Zvikuru tomufarirai! Isu tichimuchingurai! Unotida Wedenga She, Murima wakatifungazve; Vatungamiri va’tipa Vauya kutibetsera! Tinomudai, imi uyai! Pakati pedu chigarai! Wedenga achengete’mi Masimba ake amupe! Bva musanyara, chitsungai, Parudzi rwedu chiudzai Mashoko anofadzawo Marudzi ose aripo! Uyai vedu, tiendei; Mashoko aSHE titendei; Mubato wakakura sei! Bva tichakunda; titsungei!

194SHE Wedenga ave neniRCZI

Verse SHE Wedenga ave neniwo, Amuperekedze kwose, Agomuchengeta pose, Ave nemi tionanezve! Tionanezve, tionane! Tionane achida; Tionanezve, tionane, Ave nemi tionanezve! SHE Wedenga ave nemiwo, Muchengetwe zvakabata, Muchiswera, muchivata, Ave nemi, tionanezve! Tionanezve, tionane! Tionane achida; Tionanezve, tionane, Ave nemi tionanezve! SHE Wedenga ave nemiwo, Amutaririre kwose, Uyewo munhamo dzose Ave nemi, tionanezve! Tionanezve, tionane! Tionane achida; Tionanezve, tionane, Ave nemi tionanezve! SHE Wedenga ave nemiwo, Amumbunde namaoko, Amukundise norufu, Ave nemi, tionanezve! Tionanezve, tionane! Tionane achida; Tionanezve, tionane, Ave nemi tionanezve!

195Torima minda yeduRCZI

Verse Torima minda yedu; Tokusha mbe...wu; Bva unodiri...dza NdiTenzi we...du; Unosituma chando, Nairo zu...va Nemhepo nomushana, Naiyo mvu...ra Zvose zvose zvedu Zvobva paari; Ngatikudzei, ngatikudzei Unyoro hwa...ke! Muiti ndiye oga Wezvinhu zvo...se; Wenyika pano pa...si, Nedenga ro...se. Mitutu namafungu Anongomu...nzwa; Unovigira shini Nesu uno....pa! Zvose zvose zvedu Zvobva paari; Ngatikudzei, ngatikudzei Unyoro hwa...ke! Tinomuonga, Bambo, Zvipiwa zve...du; Kudzvara nokuche...ka; Upenyu hwe...du; Isu hatine zvedu, Zvatingamu ...pa; Bva mwoyo wokuonga Ndezvomuno...da. Zvose zvose zvedu Zvobva paari; Ngatikudzei, ngatikudzei Unyoro hwa...ke!

196Musiki, Bambo vedu,RCZI

Verse Musiki, Bambo vedu, Venyasha huruwo, Mafarira vaviri MuParadiso 'mo. Nanhasi isu pano Tinomukumbirai: Natsai vaviri ava Vadane vachidai! SHE Jesu, samamutsa VeKana ikweyo, Uyai kwavari nhasi, Kuzovanatsawo; Mufaro wavo wose SHE shandurai iwo, Samashandura mvura, Pamusha iwowo! NoMweya wenyu, Bambo, Chivafuridzirai, Kunaka kwawo kwoga Norudo chivapai; Varege kupesana, Pavari chigarai; Mimwoyo yavo yose Igomutererai!

197Chidonzwai dare roriraRCZI

Verse Chidonzwai dare rorira, Rodanidzira isu; Rinongositikokera Kumba kwatenzi wedu. Chidonzwai dare, chizvigadzirai! Piwai rugare, dochimbidzikai Kuda hamungazodanwi, Dare hariririzve! Dokwashai zvino, vehama, Kuraramiswa kwenyu Mugozorega kuchema Muchikushaiwa uku Chidonzwai dare, chizvigadzirai! Piwai rugare, dochimbidzikai Kuda hamungazodanwi, Dare hariririzve!

198Dondisesedzai, BamboRCZI

Verse Dondisesedzai, Bambo; dondisesedzai, Nyangwe pane rima napane nhamo. Ndisimbiswe shoka, uye mwoyo; Ndisawa panzira, Bambo; dondisesedzai! KOROSI Dondisesedzai, Bambo; Dondisesedzai, Bamboo; Ndisawa panzira Bambo; dondisesedzai Dondisesedzai, Bambo; dondisesedzai, Handibvidzi ndoga, rnundifambise; Ndichiteveremi misi yose; Noruoko rwenyu, Bambo, dondisesedzai Dondisesedzai, Bambo; Dondisesedzai, Bamboo; Ndisawa panzira Bambo; dondisesedzai Dondisesedzai, Bambo, dondisesedzai, Ndazopedza rwendo panyika ino, Ndichandozorora pamufaro; Perekedzaiwo, Bambo; dondisesedzai! Dondisesedzai, Bambo; Dondisesedzai, Bamboo; Ndisawa panzira Bambo; dondisesedzai

199Wakamukazve inzwaiRCZI

Verse Wakamukazve inzwai! Hareruya! Vanhu vose, chirevai! Hareruya! Vokudenga, uchirai; Hareruya! Vapanyika davidzai: Hareruya! Bwe rabva, varindiwo; Hareruya! Hwiro hwakakundwapo; Hareruya! Rufu harubati SHE; Hareniya! Kristu wakamukazve; Hareruya! Jesu wakararamazve! Hareruya! Wakakunda ndiye SHE; Hareruya! Wakafa kurwise'su Hareruya! Tigosatya hwiro Hareruya! Kuna Kristu chilcwirai! Hareruya! Pana Tenzi wakadai, Hareruya! Zvivi, rufu, tikundei Hareruya! Kuna iye SHE hendei! Hareruya!

200Nyange zvivi zvatsvukaRCZI

Verse Nyange zvivi zvatsvuka, Zvichazocheneswazve Nyange zvishava seropa, Zvingachenawo! Nyange zvivi zvatsvuka, Nyangwe zvivi zvatsvuka, Zvichazocheneswazve, Zvichazocheneswazve! Uchakukanganwira, Ha'zofungi zvivizve. "Chitarirai kwendiri!" Chinzwa nzwi raSHE! Uchakukanganwira, Uchakukanganwira, Ha'zofungi zvivizve, Ha'zofungi zvivizve, Nyange zvivi zvatsvuka, Zvichazocheneswazve Nyange zvishava seropa, Zvingachenawo! Nyange zvivi zvatsvuka, Nyangwe zvivi zvatsvuka, Zvichazocheneswazve, Zvichazocheneswazve!

201Munditererei nenyashaRCZI

Verse Munditererei nenyasha, SHE! Zvandiniri rombe hangu; Munditererei nenyasha, SHE! Munditererei, munditererei! Tinzwai, mutinzwe nenyasha, SHE! Nditererei nenyasha, SHE! Tinzwai, mutinzwe nenyasha, SHE! Nditererei nenyasha, SHE! Chinzwai kuchema kwavatendi, Mutinzwai, SHE, Mutinzwai, SHE! Amen! Amen!

202NyengeteraiRCZI

Verse Nyengeterai, nyengeterai, ndichamudavidzai! Nyengeterai, nyengeterai, ndichamudavidzai! Manenji ndomuratidzai, muazivewo, muazivewo! Nyengeterai, ndichamudavidzai! Ndichamudavidzai!

203Wedenga SHERCZI

Verse Wedenga SHE, Wedenga SHE, Doterei nzwi romuranda; Nzwi rake, Bambo, chidonzwai, Nzwi rake, Bambo, chidonzwai! Chinzwai pamunogarapo, Muchindirangarira, SHE; Chinzwai SHE pamunogara Muchindirangarira, SHE; Zvivi zvangu kangamwirai!

204NdomurukaRCZI

Verse Ndomuruka, ndomuruka, Ndiinde kwaBambo; Ndichandoti kwavari: Bambo! Bambo! Ndakatadza, ndatadza, Ndakatadzira imi SHE, nokudenga Handichafaniri kuzoidzwa mwana! Ndomuruka, ndomuruka, Ndi’nde kwaBambo, Bambo!

205Hendei vacheki vaSHE JesuRCZI

Verse 1 Hendei vacheki vaSHE Jesu, Tiri vashomawo; Ngatimirire Tenzi wedu, Uchasimbise’su KOROSI Nokuti vamirira SHE, Vachapiwe simba dzva; Vachakwira ivo, Vachakwira ivo segondo; Vachavanga, vasi’nyari, Vachafamba kwazvo; Vachavanga, vasinganyari, Vachafamba kwazvo. 2 Tiregorasha mwoyo, vedu! Tichanyunyutirei? Totenda Jesu SHE mupenyu, Tichazonya sei? 3 Farai, unesu misi yose, Ha’zotisiye; Tichazopiwa nyasha dzose Kundobatira SHE!

206Kudzai SHERCZI

Verse Kudzai SHE! Kudzai SHE! Hareruya! Zvakanaka kufarira Wedenga wedu! Kudzai SHE! Kudzai SHE! Kurumbidza SHE kwakafanira! Hareruya! Kudzai SHE! Kudzai SHE! Kurumbidza SHE kwakafanira! Hareruya! Kudzai SHE! Kudzai SHE! Kurumbidza SHE wakafanira Hareruya! Kudzai SHE, Kudzai SHE Hareruya!

207Vaudzai vasingaziviRCZI

Verse 1 Vaudzai vasingazivi, Kristu ndiye SHE, Vaudzai, vaudzai! Vaudzai vendudzi dzose, vamurumbidzei, Vaudzai, vaudzai! Vaudzai vanhu vose vamuterere, SHE wesimba nokubwinya ndoworugare; Vaudzai, nyangwe dutu richirirapo. Kuti Tenzi wamafungu ndiye Tenzi weduwo. 2 Vaudzaiwo, Muchengeti wedu ndiye SHE, Vaudzai, vaudzai! Vaudzai vendudzi, vagosunungurwazwe, Vaudzai, vaudzai! Vaudzai vanochema, Jesu mupenyu, Vaudzai vakanyara, vazorodzwewo! Vaudzai vachinyi, kuti vazorwiresu. Vaudzai vanofa, kuti vatokunda bwiriro! 3 Vaudzai SHE wakabata ushe ikweyo! Vaudzai, vaudzai! Vaudzai zvoushe bwake, ndobworudowo, Vaudzai, vaudzai! Pamigwagwa, uye nzira, chidovaudzai! Pamakomo napagungwa, chidovaparidzai! Sokuwungawo kwemvura ngatidanesu, Mawungira agonzvika napazivi zvosewo!

208Mukai mukai vatendiRCZI

Verse 1 Mukai, mukai, vatendi! SHE wenyu chirwirai! Vepfumo rake rose, Mireza murudzai! Pakurwa muchakunda, SHE Jesu anemi, Vavengi vagopera, Kristu agova SHE! 2 Mukai, mukai, vatendi! Hwamanda tererai! Endai kupfumo mose, SHE wenyu teverai; Imi varanda vaSHE, Uyayi, mushumirei; Nyange munjodzi huru, Nesimba murwirei! 3 Mukai, mukai, vatendi! SHE wenyu mirirai! Nesimba rake roga Varume, simukai; Nezvibatiro zvaSHE, Mutore, chipfekai; Pamunodanwa pose, Musatya, chipindai! 4 Mukai, mukai, vatendi! Anozoperawo Mapfumo pano pasi, Patairwa nawo; Vakundi vanopiwa Korona ikweyo; Vachazobata ushe Husingaperiko!

209SHE Jesu mose rumbidzai,RCZI

Verse SHE Jesu mose rumbidzai, Vatumwa gwadamai! Zvoushe bwake farirai! Kudzai SHE, imi mose! Kudzai SHE, lye SHE kudzai! Vasunungurwa, tarirai, SHE wenyu, chimudai! Nezvipo zvenyu chiuyai; Kudzai SHE, imi mose! Kudzai SHE, lye SHE kudzai! Bwizana raSHE chiongai, Mufiri chitendai! Chengeto yenyu farirai; Kudzai SHE, imi mose! Kudzai SHE, lye SHE kudzal! lkweyo kuchanzi: Farai! Uyai, chigwadamai! Varwirwa vose, fugamai! Kudzai SHE, imi mose! Kudzai SHE, lye SHE kudzai!

210Jesu ndiye SHERCZI

Verse Jesu ndiye SHE, inzwai! Vanhu vose, chiimbai Jesu ndiye SHE, inzwai! Vanhu vose, chiimbai! Jesu ndiye SHE, inzwai, Vanhu vose, chiimbai! Nhambo yozosvikapo Yava Jesu SHE nayo. Vanhu vose uchirai, SHE wavashe rumbidzai! Nyika dzose mutendei, SHE mukuru mukudzei! Namarudzi munzwewo: SHE wavashe uripo! Nyika dzose mutendei! SHE mukuru mukudzei! Namasango, chifarai! Nemi zviwi, chiimbai! Zvinhu zvose zvitiwo: SHE wavashe uripo!

211SHE WokudengadengaRCZI

Verse SHE Wokudengadenga Ngaarumbidzwe oga Nokuda kwezvenyasha Zvataitiirwa naye. Wakavigira nyika Rugare nomufaro. Mufarisise, vanhu

212Bambo vatsvene dogarai nesuRCZI

Verse 1 Bambo vatsvene, dogarai nesu, Tigonzw a simba ramashoko enyu. Munokodzera pane zv atofunga, Tinzw ei Bambo. 2 Jesu Murwiri, douyai nemi Kuzova nesu, mutirar amise. Mutitsigire, tigos atongowa, Zvamune simba. 3 Mweya Mutsvene, njiva yezvokwadi, Doburukai kuzotidzidzisa; Munatse vose vanonyengetera, Hongo zvokwadi.

213Ngatirumbidze MwariRCZI

Verse Ngatirumbidze Mwari Woushe bwokudenga, Pam’soro pezvorudo Nenyasha dzake huru. Wakapa nyika yose Mufaro norugare. Evanhu, ngatifare. Tigwadamire Bambo Vesimba rose rose, Tikudze zita ravo Nokuti vane ngoni. Vanonzwa mikumbiro Yavanomushumira Nemwoyo inovada. SHE Jesu Mwana wavo Wakada kutirwira Nokutidzikinura, Tizarurirwe denga. Wakatifira tose, Tigova noupenyu Husingatongoperi. E, Mweya wezvokwadi, Natsai mwoyo yedu! Igova dzimba tsvene Dzokudzidzisa Mwari. Tichinyaradzwa nemi Tirambe tichivimba NaJesu SHE zvokwadi.

214NdichamukudzaRCZI

Verse Ndichamukudza, SHE wedenga wangu. Ndichakudza imi Nokusingaperi. KOROSI Chikudzai, Jehova, Bambo SHE; Akudzwe, akudzwe Namarudzi ose! Zita renyu guru Ndicharirumbidza. Ndichafungisisa Nyasha dzenyu huru. Rudzi runoreva Kuno rumwe rudzi Kurungama kwake SHE wesimba rose. Vanodanidzira Zvokwadi kwamuri, Muchazovarwira Muri pedo navo.

215Chigadzirai nziraRCZI

Verse Chigadzirai nzira Irungamire SHE wakarehwa kare Namadzibaba. Ndiye SHE werungano Weimba yeDavide Kukudzwe wouya Muzita raSHE. Masuo afadzirwe SHE wokubwinya. Marudzi ogarira Mufaro wedu Panzwikwe pose pose: “Hosana, Hareruya, Akudzwe wouya Muzita raSHE!” Chigaro chake ndicho ChaBambo vake. Bworu do nechiedza Ndoushe hwake Navana vanoonga Wenyasha norugare. Kukudzwe wouya Muzita raSHE! Tembere yaSalema, Navapirisi, Noushe hwavo hwose Hazvichagari. Bva ushe hwaSHE Kristu Bwogara nokuwanda. Kukudzwe wouya Muzita raSHE!

216Asvika mangwananaRCZI

Verse Asvika mangwanana Ezuva rakanaka Rakararirwa kare Tomutswawo nanhasi Nenyasha nomufaro Zvinobva pakudenga. Saka, vatsva Navakuru, Unganai, Murumbidze She mukuru wavenyika! WaMwari wava munhu, Tigoswedera tose Kwaari tichifara, Zvaari ’ye wetariro Yavarashiki vose Navose vane nhamo. Uchavapa Vakashada Rudo rwake, Vagodana, Vachitsvaka zvokudenga. Uchazosvimha sesu, Achinzwa nhamo dzedu, Nokudotitsigira, Agozotiratidza NaBambo vane nyasha Inozipisa shungu. Ucharwadzwa Nezvorufu, Tigowana Zvorugare, Nokuzarurirwa denga. Wauya kutirwira, Rigosavira zuva Renyasha dzake huru. Uchava M’risi wedu, Tigova vake kwazvo Vanoda kum’tevera. Tichitenda Zvokum’soro, Kun’ ushe Bworu gare Kwaticafanana naye.

217Vanhu taponeriwaRCZI

Verse Vanhu, taponerwa Muchengeti wedu, Mai vake mhandara, Iyo yakachena. Wakaita Mweya Nenji guru pano: Shoko dzvene raSHE Rava nyama sesu. Iye wakaberekwa Pasina kutadza. Unosenga zvivi Zvedu, zvavatadzi. Wabvawo kudenga Norugare rwake. M’faro unovapa Vose vanotenda. Une simba guru Rokubata ushe, Uchakunda pfumo, Rufu rwakaipa. Ngaaongwe Kristu Wakatiraramisa. Shoko rake chinzwai Pamatiri ose!

218Tinofara-i tinoimbire-iRCZI

Verse Tinofara-i tinoimbire-i Zuva rino raJesu? Nyika yarashika, Kristu waponwa. Ngatifarisise, vaKristu. Tinofara-i tinoimbire-i Zuva rino raJesu? Kristu SHE wasvika Kuzorwira nyika. Ngatifarisise, vaKristu. Tinofara-i tinoimbire-i Zuva rino raJesu? Vanhu navatumwa Vorumbidza Bambo Negatifarisise, vaKristu.

219Mwoyo fariraRCZI

Verse Mwoyo, farira, Nyika nokudenga Pano parwendo rwako. Zvakanaka Zvose zvinobva Uko kum’soro kwaBambo. Dzinosiuya Nhambo, nokuenda Vanhu vachiteverana. Rwiyo rwedenga Runosinzwa, Runotifadza parwendo. Rwakayambirwa Navatumwa vaSHE Vachiimbira varisi: “Bambo vakudzwe Vanhu vafadzwe, Kristu wazvarwa panyika.”

220esu tifadzei nhasiRCZI

Verse Jesu, tifadzei nhasi, Gore dzva rasvika, Muvandudze kuda kwedu, Kuti tide kwenyu Mwoyo yedu ive Imba yenyu tsvene, Tigogara tichinat­swa Nomufaro wezvenyasha. Ngandirichengete nhaka Shoko renyu Jesu, Ndigofamba mufambire Womutendi kwayo, Ndichidisa Mwari Nokunatsa vanhu, Ndichitsvaka zvoutsvene Nokungwara zvinoteya. Jesu, dogarai neni Ndigofara hangu. Jesu mundipei mwoyo Unoshuvira. Jesu, muchengete Mweya nomuviri. Jesu, ndimi wandinoda Munodzima nezvirwadzo. Jesu, ngandinatso­pedza Gore dzva ratanga. Ndirimo muzvanza zvenyu Handichatyi chinhu. Muchanditsigira Napakufa kwangu Ndokuzondimbundikira Pachifuva chenyu, Jesu.

221Rimwe gore rapfuuraRCZI

Verse Rimwe gore rapfuura, Gore dzva rauyazve. Bva mazuva aro, hama, Achazotipeiko? Achafadze’su here? Unoziva ndiye SHE. Iye wakativanzira Zviri mberi kwedu’ko. Bva unoda kutarira Isu misi yose. Nousiku titsunge, SHE unesu, tichatyei? Masikati nousiku Iko nhaka samakei M’rindi wedu haavati, Ini ndichazotsvakei? Ndiye wagadzirawo Pandichafambiswa ’po. Pamufaro napanhamo Ndingamira pana SHE Nhambo yopfuura mberi Nhare yangu ndiye wo. Ndichavaka paari, Ndoruware rwangu.

222Bwizana roWedengaRCZI

Verse (Bwizana roWedenga, Makabayirwa isu. Makatsitsungirira Nyangwa muchizvidzwa. Matadzo makasenga, Norufu makakunda. Tipeiwo rugare, Jesu!

223SHE wangu wakarobwaRCZI

Verse SHE wangu wakarobwa Nokutambudzwa, Musoro wakabayiwa Neiya minzwa! Nezuva rokuguma Muchakudzwa, Bva zvino navatadzi Munosekiwa. Pamberi penyu, Jesu, Ndowira pasi, Ndichikumbira nyasha, Musandirasha! Chiso chakanakisa Chachenuruka, Meso akasibwinya Anokaruka. She, munosenga zvino Matadzo angu. Ndaifambira ini Kurohwa hangu. Ndichiremerwa nawo, Ndinotizira Kwenyu Muchengeti, Muchindifira. SHE Jesu mukudziwe Makandirwira. Mundipewo zororo, Ndovimba nemi, Ndinoda kunamata, Murwiri wangu, SHE. Norufu ndichibatwa Mamuri ndifewo

224Wafire nyika Jesu SHERCZI

Verse Wafire nyika Jesu SHE Meso apodzwe, ndione. Wakabayirwa Gorogota’ko, Ndizikinurwe nemiwo. Runoshamisa rudo ’rwu. Hapana munhu unarwo, Ndaponesiwa naye SHE, Ngandive wake muushe. Ngandive mwana wenyu, SHE. Ndisesedzei zvokwadi, Ndigofarira murudo Kumuvigira upenyu.

225Wafa M’ponesi pachinjikanoRCZI

Verse Wafa M’ponesi pachinjikano, Ndini mutadzi ndafirw a’ naye Ndinosukiwa neropa rake. Ndakawana ushe. KOROSI Ndakawana ushe. Ndakawana ushe Unganatsiwa mwoyo wangu, Ndakawana ushe. Ndicho chidziva cheropa rake, Bwose utadzi bwosukwa nacho. Machiri ungandisuka Jesu. Ndakawana ushe. Ndakapon eswa ndokat y amara. Jesu ugere mumwoyo mangu. Wakapindira pachinjikano. Ndakawana ushe. Iwe mutadzi, uuye zvino, Uise mweya paM’ponesi. Uya ungure muropa rake, Ungawana ushe. KOROSI Ungawana ushe, Ungawana ushe, Unganatsiwa, mwoyo wako, Ungawana ushe.

226Murukai muimbireiRCZI

Verse Murukai, muimbirei Mhare yapadanda! Yatirwira nokufira Sebwizana nyoro. Akamuka nokubwinya. Achikunda rufu. Wakatipa, takapiwa Kurungama kwose Wakabvisa nhamo dzedu Nokusingaperi. Dzikinuro nedzimuro Wakatiwanira. Takapodzwa noMuzodzwa Wakapwanya nyoka. Zviro rufu neGehena Zvi chapera simba Wakamuka, unobata Ushe huchakunda. Vatsva pamwe navakuru Varumbidze Bambo. Mwana une nyasha huru Akudzwe navo. Kudzai Mweya wosesedza Isu kumufaro!

227Ndinomuona JesuRCZI

Verse Ndinomuona Jesu Mokwina pakubwinya, Bva ini ndichi mweni Panyika yokuchinya. Ndofamba ndichishuva Kutama rimwe zuva. Bva kana ndichishuva Ndinoti: “Dotarirai Zvomwana wenyu, Mambo, Pandichamugamira.” Ndokunzwa inzwi: “Mwanangu, Ndinokuziva hangu.” Ipapo ndinoona Zvenyika yakanaka, Pandichagara nemi, Ndikabvisirwa mhaka, Ndina vatsvene venyu Kumusha woupenyu. Hakune rima uko Nenhamo nokurwara Bva zvose zvakanaka Kubwinya nokufara Ngative vobwo nesu Kudenga kuna Jesu. Zvamak aenda, Jesu, Muchadzokera pano. Tipei tigofamba Samakatipa mano. Okusvinura kwazvo, Tambofukidzwa hazu.

228Jesu Kristu ndiSHE weduRCZI

Verse Jesu Kristu ndiSHE wedu, Ngatimutevere hedu, Timufugamire. Mabvi ose agwadame, Namarimi abvumire Kuti Jesu ndiye SHE, Kuti Jesu ndiye SHE. Uyu nyangwe afanana NoWedenga, ari Mwana, Haazakatsvaka Kuenzana noWedenga, Ave nokubwinya pano. Wakaramba ’zvezvi, Wakaramba ’zvezvi. Wakaita somuranda, Achiwirwa nemiedzo. Nokuona nhamo. Wakandozvininipisa, Kuti ashumire isu Pataikoniwa ’po Pataikoniwa ’po Wakazvidzwa navo vose, Achingoterera pose, Kusvikira rufu. Ndirwo rufu rwapadanda, Rwavatadzi paGorgota, Tigowana nyasha, Tigowana nyasha. Saka iye wamurudzwa NoWedenga, nokukudzwa. Ndokukurumbidzwa. Wakapiwa zita guru, Pamazita mamwe ose, Tigonatswa naro, Tigonatswa naro. Ngatimuimbire hedu, Jesu Kristu ndiSHE wedu, Timufugamire. Mabvi ose agwadame Namarimi abvumire Kuti Jesu ndiye SHE, Kuti Jesu ndiye SHE.

229Munhu ha’ngawani rugareRCZI

Verse Munhu ha’ngawani rugare Asingatsvaki nesimba Hama, nga urwire upenyu Husingatongoperi! Rakamanikana suo ’rero, Nzira inozova nhete iyo. Utsungise mwoyo, urwirewo Ugosarasha upenyu. Denga routsvene robwinya, Ngaurishingairire. Ichazovaima korona Inofanirwa kushuva Saka uchimuka, uchenjere. Uzvigadzirire kutong eswa. Hazu dzakachena ufuke’dzo Kuti upinde mutambo. Haungazopindi kudenga Usingatendi zvokwadi. Tenda, iwe, shoko rarebwa Naye, SHE wedu munyoro. Haungawaniko zvomufaro Usino kutenda kuna Jesu. Saka tendeuka, terera SHE, Nhambo yorwisa kupera! SHE wodana vose venyika: “Vanhu rwirai upenyu!” Ungawana fuma dzenyasha, Chinyi chichazokukona? Bambo vokudenga vanokuda Jesu woguhudza, uzarure Mweya wokumuts a, chimuka ’we. Ugozofara wamuka!

230Tichaendako kuna’ni tigova norugare?RCZI

Verse Tichaendako kuna’ni tigova norugare? Kune shoko roupenyu, SHE hatirashiki, tsvo. Chifarai, chifarai, chifarai, ameni! Tinoda kugara nemi misi yose yose, SHE. Tirumbidze imi moga pano nokudenga ’ko. Tichaendako kuna’ni, tigowana zororo? Kuno musha unobwinya, watagadzirirwa ’ko. Chifarai, chifarai, chifarai, ameni! Tichatenda zvenyu zvose pano nokudenga ’ko. Tichatenda zvenyu zvose pano nokudenga ’ko.

231Jesu chindinzwaRCZI

Verse Jesu, chindinzwa, Ndichimukumbirai Mhaka makaripa Kana mandifira. Ndokumbira zvino, Mundikanganwire. Jesu Muponesi, Ndinovimba nemi. Jesu ndifadzei, Ndichinyengetera! Ngamundipe nyasha, Ndigomufarira. Zvino ndinotenda Zvamakavimbisa Jesu Muponesi, Mundipafadze! Jesu, chindidai. Ndive wenyu chose! Musandisiya, Ndigofamba ndoga. Vhenekai nzira Nechiedza chenyu, Jesu Muponesi, Mundiite wenyu! Jesu, ndimungei! Mungandichengeta Kusvikira nhambo Yandichava nemi. Ishe, mune ngoni, Chinzwai, mufadze, Jesu, Muponesi Musino kupera!

232HandingatongorukanganwiRCZI

Verse Handingatongorukanganwi, SHE Jesu, rudo rwenyu, Rwakandikweva kundifira, Mufire zvivi zvangu. Ngandimukudze Jesu Nezita renyu nyoro. Ndinoda, Jesu, kumuonga Nokumudisa kwazvo, Mugova danha rangu rose, Ndigare ndiri wenyu. Ngandichivimba, Jesu, Nezita renyu nyoro. Napandichawirira hangu, Ngandife, muchi neni. Murwiri wangu une simba, Muchazondisesedza. Ndichingomuda Jesu, Nezita renyu nyoro.

233Hama yangu yakanakaRCZI

Verse Hama yangu yakanaka Ndiye Jesu Kristu SHE Ko, ndichamusiya hangu, Ndidzokere shurezve? Handingaparadzaniswi Naye wandinoda, SHE. Mwoyo, fambidzana naye Unokuda, umude. Mhaka ndingapiwa nani? Kristu wakafiren i. Wakamutswa pavakafa. Uri mukudenga ’ko Zvino unokumbirira Vakasanangurwawo, Iye unorwira ini, Kuparadz aniswa tsvo! Ndinotenda kuti njodzi, Nzara, nayo nhamowo. Kana m’nondo nokudzingwa, Nyange rufu nairwo Hazvingaparadzanisi Ini naiye Jesu zve. Kudo rwoWedenga wedu Ruri muna Kristu SHE.

234SHE Murisi wanguRCZI

Verse SHE Murisi wangu Waka isvonaka, Wondipavhurira, Ndigosashayiwa Nyange mvura mhenyu Yokupedza nyota, Nyange namafuro Pandinonzwa nzara. Haangatenderi Kuti ndirashike. Unondifambisa Pakagadzikana. Ndinovaradzwa Napanhamo dzose, Nyange napakufa Handingatyi une ’ni. Shoko rake svimbo Inondinyaradza. Pandinovengiwa Ndinofadzwa naye. Ndichambowanzirwa Nyasha ndichi pano, Ndokuzogariswa Mumba maJehovha.

235Jesu She, Mufudzi wanguRCZI

Verse Jesu She, Mufudzi wangu NoMukomboreri. Dzinozipa nyasha dzenyu Nenzwi renyu nyoro. Dogarai neni, Ndive, Jesu, nemi! Jesu zita renyu dzvene Rivambise zvose, Ndigobvidza kuzvipedza. Sezvakafanira. Dogarai neni, Ndive, Jesu, nemi! Donatsai nokufunga, Nokureva kwangu. Ndibatire zvoupenyu Husingazoperi. Dogarai neni, Ndive, Jesu, nemi! Ndichienda kundovata Ngamundichengete, Ndigomuka muchi pedo, Ndokuongwa neni. Dogarai neni, Ndive, Jesu, nemi! Zuva rangu richavira Pakunhoya kwangu. Bva ndipei, ndirarame Nokus ingaperi, Dogarai neni, Ndive Jesu nemi!

236Munyasha dzenyuRCZI

Verse Munyasha dzenyu, Bambo Ndinozviisa hangu. Nezvose zvandinazvo, Ngamundigamuchire. Muviri noupenyu, Nomweyawo ndezvenyu. Dochengentai zvose, Ndigosakuvadzwa. Munosifadza mwoyo, Nokunyaradza mweya, Pandinoona nhamo, Nokusakwana kwangu. Ndovimba nemi, Bambo. Dovai neni, ndiye Pamuri, ndiye nhaka Youshe hwakanaka.

237Boka ravanana vaSHERCZI

Verse Boka ravanana vaSHE Rinogara zvakanaka. Kune shiri mudendere Nenyeredzi pakudenga. SHE unovarisa vose Pamafuro ebumhudza, Vanobatwa nounyoro, Vari mumaoko ake. Nyange nhamo, nyange fadzo Zvichakona kuvabvuta Mumaoko omurisi, Unoziva dzingo ravo. Usingadzirashi nzvidya Unotiwanira tose Zvokufuka nezvokudya, Unofadza vanochema. Vanoramba vari Bambo Vanotipa nokutora. Bva vanoda pana zvose Kuvanatsa vana vavo.

238Ndomurudzira mesoRCZI

Verse Ndomurudzira meso Kugomo raSHE Chiedza nebetsero Zvinobva ’koko. Ha’ dzori nzeve dzake Ndichikumbira. SHE wakaita zvose Wondibetsera. Ha’regi shoka dzangu Kutedzemuka. Uneni achirinda Ha’tsumwairi. Unosindichengeta Ndisakuvadza, Achinditaririra Napamibato. Worwira mweya wangu Pazvinorwadza Napana madambudzo Pachandinatsa. Kupinda nokubuda Kunorindiwa, Havanyimiwi nyasha Vanoda Mwari.

239Ngaarumbidzwe MwariRCZI

Verse Ngaarumbidzwe Mwari Watimutsira Kuona rimwe zuva Renyasha dzake. Bva richavira naro Samamwe ose, Tifunge naizvozvo Kukosha kwaro. Ngatichifungisisa Zvokuda kwaSHE. Tibate tichikuno, Tichitendeka, Tigosarohwa shure. Mumwoyo medu, Atove madekwana Okusabata. Tibetserai vose Nokufadza. Tisangofunga zvedu Bva nezvevamwe. Kuziva kuda kwaSHE Nokukuita Ndokushumira Mwari, Nokumupira. Muranda unobata Achivimbika Ucharopafadzwa SHE achisvika; Apinde pamufaro Usakanzwika, Wavakagadzirirwa Vanoda Mwari. Tiwedzerei simba Rokumbotsvaka Zvoushe hwokudenga Nokurungama. Ipapo tichapiwa Nezvimwe zvose Tifunge saizvozvo Mazuva ose.

240Mumwoyo ndoshuviraRCZI

Verse Mumwoyo ndoshuvira Jerusarema. Ndomusha Wenatso Pachazopera chose Urombo hwangu Mumwoyo ndoshuvira Jerusarema. Bva pano padenhere Iripi nzira Yoenda Kumusha? Yowe, ndingavirirwa Panjodzi zhinji. E, pano padenhere Iripi nzira? Unondiiradzira NdiJesu wangu. Saiye Inzira, Ndisingazivi mano Ndomutevera Unoratidza nzira NdiJesu wangu. Onai, ndokubwiya Kweguta raSHE! Ndasvika Kudenga Ndifare, ndikanganwe Zvotyisa pano. Onai, ndokubwinya Kweguta raSHE. Muzita raSHE Jesu Ndichazokunda. Neniwo Murombo Ndichagowana Ushe Hwenharidzano. Muzita raSHE Jesu Ndichazokunda.

241Vafara vose vachena pamweyaRCZI

Verse Vafare vose vachena pamweya, Ushe ndehwavo pano napapo. Vafare vose vochema zvechivi Vachanyaradzwa noMuchengeti. Vafare vose venzara nenyota Yokurungama, vachagutiswa. Vafare vose ivavo venyasha, Vachaitirwa nyasha zvikuru. Vafare vose vanyoro pamwoyo, Vachazogara nhaka yenyika. Vafare vose vomwoyo muchena, Vachazoona Wedenga zvokwadi. Vafare vose vorwira rugare, Vachaidzwa vana vaBambo. Vafarisise vose votsunga panhamo, Vachitambudzwa navakashata. Fuma dzedenga ndedzavo vadero, Vachava ’papo pana SHE Jesu.

242Madzimai akauyaRCZI

Verse Madzimai akauya Navana kuna Jesu, Vadzidzwa vakaramba sei Vachiti: Chiendai! Bva Jesu achiona 'zvo Wakavadana achiti: "Vana vadoko kwendiri uyai." Ndichavagamuchira Nokuvafungatira, Ndichavarisa vana 'va, Munovadzingirei? Kana votenda kundida Kudenga vachava neni. "Vana vadoko kwendiri uyai." Vana avo vauya Vaiswe kuna Jesu, Bva kuna vakawandawo Vasingazivi 'ye. Shoko raJesu haripo, Havarizivi zvareva SHE. "Vana vadoko kwendiri uyai." Navahedheni vose Vapamarudzi ose, Vatende kuna Jesu SHE, Midzimu varashei. Muvavhenekerei imi Vaone rudo rwenyu, SHE. "Vana vadoko kwendiri uyai."

243Nyengetera, SHE uripoRCZI

Verse Nyengetera, SHE uripo; Nyengetera, nzwi unonzwa; Wakapika chimutenda; Nyengetera, wodavidza. Nyengetera panjodziwo; Nyengetera uchakunzwa; Nhamo dzako uya nadzo, Nyengetera unokuda. Nyengetera pakuidzwa; Nyengetera unokunda; Jesu wakamboidziwa; Nyengetera was imbiswa. Nyengetera vimba naSHE; Nyengetera ukumbire; Simba rake iguru sei; Nyengetera SHE unonzwa.

244MakandiponesaRCZI

Verse Makandiponesa Ndichamira SHE Mukandibatisa Ndichamira SHE Somuti panofamba mvura mhenyu Ndichamira SHE. Ndichamira, ndichamira SHE; Ndichamira, ndichamira SHE Somuti panofamba mvura mhenyuNdichamira SHE. Ndirwo rudo rwenyu, Runomisa SHE, Simba renyu guru, Rinomisa SHE Somuti panofamba mvura mhenyu Ndichamira SHE. Ndichamira, ndichamira SHE; Ndichamira, ndichamira SHE Somuti panofamba mvura mhenyuNdichamira SHE.

245Varipo nhasiRCZI

Verse Varipo nhasi vanokukurwa; Vanofanira kundonyukurwa; Vonyura muzvivi chimbidzikai, Musanonoka kuvabetsera. Chibetserai, chibetserai, Vose vasungwa nezvivi; Chibetserai, chibetserai, Vose vasungwa nazvo. Dorangarirai vakaremerwa; Vasina mumwe ungaremudza, Muvadzidzise mufaro waSHE, Avatakurire nhamo dzose. Chibetserai, chibetserai, Vose vasungwa nezvivi; Chibetserai, chibetserai, Vose vasungwa nazvo. Kuno vazhinji vakadzokera Panzira dzavakambotevera; Mimwoyo yavo yakaora sei, Tivaratidze rudo rwaISHE. Chibetserai, chibetserai, Vose vasungwa nezvivi; Chibetserai, chibetserai, Vose vasungwa nazvo.

246SHE wedu JesuRCZI

Verse SHE wedu Jesu ndimi chiedza chedu, Ndimi chiedza chakatibudira. Makaponiwa paBetrehema kare, Makaponiwa kuzotivheneka. Vanhu vose chiuya, chiuyai, Ndudzi dzose gwadamai, gwadamai. Chibvai murima, tendeukai zvino. Takanga tichifamba murima guru, Mukati mamasango namakomo. BvaJesu wakatipa chiedza chake, Chikazova upenyu kuna vose. Vanhu vose chiuya, chiuyai, Ndudzi dzose gwadamai, gwadamai. Chibvai murima, tendeukai zvino. Mukati mamasango namakoronga, Munoparara zvuru zvamazana. Tipei chiedza chokuvhenekera, Vabve murima vawane upenyu. Vanhu vose chiuya, chiuyai, Ndudzi dzose gwadamai, gwadamai. Chibvai murima, tendeukai zvino.

247Zuvaredu ravapoRCZI

Verse Zuvaredu ravapo, Jesu wakamuka. Korosi Chifarai, uchirai, Jesu wakamuka. Chitendai, chiongai, Jesu wakamuka. Gwadamirai Nhasi ndiyo Svondo'yo Yakamuka Jesu. Chifarai, uchirai, Jesu wakamuka. Chitendai, chiongai, Jesu wakamuka. Gwadamirai. Tirirangarirewo Tichipira iye. Chifarai, uchirai, Jesu wakamuka. Chitendai, chiongai, Jesu wakamuka. Gwadamirai. Nokumuka kwake SHE Takarungamiswa Chifarai, uchirai, Jesu wakamuka. Chitendai, chiongai, Jesu wakamuka. Gwadamirai. Hwiro hwakakundwa sei! Rufu tichatyirei? Chifarai, uchirai, Jesu wakamuka. Chitendai, chiongai, Jesu wakamuka. Gwadamirai lye wakakwirako Kuna Bambo vedu. Chifarai, uchirai, Jesu wakamuka. Chitendai, chiongai, Jesu wakamuka. Gwadamirai. Wakatigadzirirawo Pokugara uko Chifarai, uchirai, Jesu wakamuka. Chitendai, chiongai, Jesu wakamuka. Gwadamirai. Jesu tichaonazve, Pakudzoka kwake. Chifarai, uchirai, Jesu wakamuka. Chitendai, chiongai, Jesu wakamuka. Gwadamirai

248Chipembera mwoyo wanguRCZI

Verse Chipembera mwoyo wangu, Chirumbidza Mwari wako. Ruponeso rwaJehova Rwafukidza nyika yako. Chirumbidza Mwari wako, Chisimudza zita rake; Muimbire, umuuchire. Nyasha dzaSHE dzakubata, Rudo rwake rwakuwana, Chipururudza mwoyo wangu! Farisisa mweya wangu, Zuva redu rakabuda, Rima guru rinotiza. Pururudza mweya wangu! Chirumbidza Mwari wako, Chisimudza zita rake; Muimbire, umuuchire. Nyasha dzaSHE dzakubata, Rudo rwake rwakuwana, Chipururudza mwoyo wangu! Ongesesa mwoyo wangu, Shoko raSHE rakauya Kukuzadza norugare. Gwadamira Ishe wako! Chirumbidza Mwari wako, Chisimudza zita rake; Muimbire, umuuchire. Nyasha dzaSHE dzakubata, Rudo rwake rwakuwana, Chipururudza mwoyo wangu!

249Uyai tiimbeRCZI

Verse Uyai tiimbe nziyo dzedu Zvatakapiwa naMwari wedu, Wakada nyika akatipa Mwana wake mumwe woga. Ngatiuchire timutende; Upenyu hwake wakatipa. Ngatiimbire rudo rwake, Wakatipa Mwana wake. Bambo vaJesu vane ngoni; Ani nani ungauya hake; Nyange vatsvuka zvivi zvako, Zvingacheneswa chosewo. Chirevurura zvivi zvako, Zvose ungakukanganwira. Chifugama utende chose, Kuna Jesu Muponesi.

250Zuva GuruRCZI

Verse Zuva guru richauya, Chitairirai richauya. Iraviro yakaitwa, She achiti: Ndichauya. Tichaimba zuva iro, Tichiona SHE wouya. Imbirai, farirai, Wouya SHE wedu. Imbirai, farirai, Wouya She wedu. Nyika yedu ichafara, SHE wouya tichafara. Pamakore uchauya Titarirei tichifara. Tichaimba zuva iro, Tichiona SHE wouya. Imbirai, farirai, Wouya SHE wedu. Imbirai, farirai, Wouya She wedu. Pachigaro chinobwinya, Uchagara achitonga. Ndudzi dzose dzichamira Dzichihuta achitonga. Tichaimba zuva iro, Tichiona SHE wouya. Imbirai, farirai, Wouya SHE wedu. Imbirai, farirai, Wouya She wedu. Vokurudyi uchavati: Chipindai mumufaro. Makakunda chipindai Mumufaro waSHE wedu. Tichaimba zuva iro, Tichiona SHE wouya. Imbirai, farirai, Wouya SHE wedu. Imbirai, farirai, Wouya She wedu.

251Zuva guru raSHERCZI

Verse Zuva guru raSHE rouya, Tichanzwa zavirira rake. Vatsvene navatumwa vose Vachauya vachipururudza. Vachadana vanhu Vakasunungurwa naJesu. Vachanzi: Chiuyai, chipindai! Mumufaro waSHE. Ndudzi dzose dzichauyawo Kuzomira pamberi pake Vachabvunzwa mibato yavo Vagopiwa mubairo wavo. Vachadana vanhu Vakasunungurwa naJesu. Vachanzi: Chiuyai, chipindai! Mumufaro waSHE. Vakaramba kutenda Jesu Navakapandukira ISHE, Vachahuta pamberi pake Vatongerwa kuparadzwa kwavo. Vachadana vanhu Vakasunungurwa naJesu. Vachanzi: Chiuyai, chipindai! Mumufaro waSHE. Hama dzangu mose teererai! Rangarirai zuva raJesu. Uchatikokera achiti: Vadikanwa chiuyai, chipindai! Vachadana vanhu Vakasunungurwa naJesu. Vachanzi: Chiuyai, chipindai! Mumufaro waSHE.

252Ndozviisa kuna SHERCZI

Verse Ndozviisa kuna SHE Jehova, Ndidzidzise kuzvininipisa, Ndarashika mundiise panzira Ndibetsere kuzviramba ISHE Ndasimuka, nditungamirei SHE, Ndigofamba nenzira yenyu 'yo Ndidzidzise kuzvininipisa; Ndibetsere kuzviramba. ISHE Dziurai mwoyo wangu SHE Jesu Ndidzidzise kuzvininipisa. Ndisimudze muchinjikwa wangu Ndichikuteverai pose, ISHE Ndasimuka, nditungamirei SHE, Ndigofamba nenzira yenyu 'yo Ndidzidzise kuzvininipisa; Ndibetsere kuzviramba. ISHE

253Mandidana, JesuRCZI

Verse Mandidana, Jesu SHE, Ndanyara sei, Ndinouya zvino, SHE, Ndizorodzei. Doturai, chibvisai Zvivi zvangu zvose, Chiuyai, chinatsai Mwoyo wangu wose. Ndakatsvaka pose, SHE, Kuyamurwa, Ndikasha' iwa chose, SHE, Kunyaradzwa. Doturai, chibvisai Zvivi zvangu zvose, Chiuyai, chinatsai Mwoyo wangu wose. Ndinodisa, Jesu SHE, Kusukiwa, Mwoyo wangu nhasi, SHE, Kucheneswa. Doturai, chibvisai Zvivi zvangu zvose, Chiuyai, chinatsai Mwoyo wangu wose.

254Chifarai Jesu KristuRCZI

Verse Chifarai, Jesu Kristu, Wakamuka parufu, Wakazorupwisa chose, Akatipa upenyu. Farirai, Jesu mupenyu, Rufu harukundizve. Farirai, mugwadamire Nokusingaperi 'ye. Chifarai, unorarama, Wokum'soro iye SHE. Mweya wake unonditi: Unotenda ha'ngafi. Farirai, Jesu mupenyu, Rufu harukundizve. Farirai, mugwadamire Nokusingaperi 'ye. Chifarai, murumbidze-i, Unodzoka an SHE, Nesuwo tichashongana Tose naye kudenga. Farirai, Jesu mupenyu, Rufu harukundizve. Farirai, mugwadamire Nokusingaperi 'ye.

255NdinokumiriraiRCZI

Verse Ndinokumirirai, ISHE, ndoterera, Muumbi wakanaka Sevhu mukandikanyei. Umbai SHE kuda kwenyu Mundikanyei Mwari wangu. Ndibatei noruoko, Rworudo rwenyu, SHE, Ndipwanye, ndinatse-i, Ndigobatiremi. Umbai SHE kuda kwenyu Mundikanyei Mwari wangu. Nyorai mumwoyo mangu Kunaka kwenyu SHE, Ndigotodzana kwazvo Mufiri Jesu SHE. Umbai SHE kuda kwenyu Mundikanyei Mwari wangu.

256Ndakamunzwa paGarireRCZI

Verse Ndakamunzwa paGarire Achindomutsapo. Vanoredza norutava Wakati munditeverei Tererai, Teverai, Mugondoredza vanhuwo; Ndodavidza ndichingoti: Jesu, ndinomuteverai. Ndichasingomuteverai Nomwoyo wose SHE. Nyange ndakamutadzira Mudondikanganwiraizve. Tererai, Teverai, Mugondoredza vanhuwo; Ndodavidza ndichingoti: Jesu, ndinomuteverai. Rudo rwenyu mundipewo Mugondidzidzisa Pandingakanda rutava, Sapagungwa reGarire. Tererai, Teverai, Mugondoredza vanhuwo; Ndodavidza ndichingoti: Jesu, ndinomuteverai.

257Uchaitei naJesu?RCZI

Verse Uchaitei naJesu? Uchaitei Naye? Pindurai iko zvino! Haangamurambidzi. Uchaitei naJesu? Pindurai iko zvino! Wamuramba? Watenda here? Haangamurambidzi Ivai nomwoyo mumwe Shanangurai zvino! Chiramba kana kutenda; Shanangurai zvino! Uchaitei naJesu? Pindurai iko zvino! Wamuramba? Watenda here? Haangamurambidzi Jesu wakazvipa chose, Unomuramba here? Chitenda kana kuramba; Shanangurai zvino!

258Ndakanga ndiri kure naSHERCZI

Verse Ndakanga ndiri kure naSHE Ndigere murima, Chiedza chikandivheneka, Mumwoyo mapinda SHE. SHE mumwoyo mangu, SHE mumwoyo mangu, Nenji roruponeso, ISHE mumwoyo mangu. Ndoshuva sei kutodza ISHE Ndifanane naye; Ndorangarira misi yose ISHE mumwoyo mangu SHE mumwoyo mangu, SHE mumwoyo mangu, Nenji roruponeso, ISHE mumwoyo mangu.

259PaGorgota PakafiraRCZI

Verse PaGorgota pakafira Muponesi zvivi zvangu; Ropa rake rakaripa, Rakabvisa mhosva dzangu. PaGorgota, nyasha SHE Jesu wakafireni. PaGorgota, nyasha huru, SHE Jesu wakafire 'ni. Ishe wangu ndotenda nei? Makarasha upenyu sei! Rudo rwenyu rwakakura! Makazvipa kuvatadzi. PaGorgota, nyasha SHE Jesu wakafireni. PaGorgota, nyasha huru, SHE Jesu wakafire 'ni.

260Zarura MusuoRCZI

Verse Jesu amire pasuo romwoyo, Jesu amire achigogodza. Jesu amire pasuo romwoyo, Chinzwa! lnzwi, umuzarurire! Zarura musuo, Jesu ogogodza, Zarura musuo, usaringaringa. Zarura mustio, Jesu ogogodza, Iwe, hama, usiye zvitema. Kana apinda, uchafara kwazvo, Iwe uchawana mufaro kudenga, Jesu apinda, uchafara kwazvo, Iwe, hama, umuzarunre. Tenda Jesu, iye unokuda, Tenda Jesu, uchimushumira, Tenda Jesu, iye unokuda, lwe, hama, Jesu unokuda!

261Zvivi zvangu zvakawandaRCZI

Verse Zvivi zvangu zvakawanda, Zvakawanda- wanda -wanda, Zvivi zvangu zvakawanda zvasukiwa. Neropa raiye Jesu zvasukwa... Neropa raiye Jesu zvasukwa. Jesu Kristu wandifira Jesu Kristu wandifira paGorgota Jesu Kristu wakakwira …………… Jesu Kristu wakakwira mukudenga. Jesu Kristu uchadzoka …………… Jesu Kristu uchadzoka kunditora. Zvino ndichandofara…………. Zvino ndichandofara mukudenga. Saka ngatitende tose …………. Saka ngatitende tose kuna Jesu

262Ndofamba naJesuRCZI

Verse Ndofamba naJesu ari mumwo- yo (x2) Ari mumwoyo. (x4) Zvivi zvomwoyo wangu zvakara- shiwa. Jesu wakamuka, Hareruya. Jesu wakakunda rufu nokuda kwangu. Akazotuma Mweya Mutsvene. NoMweya Mutsvene ndinokunda. Ngatifambe naye Mweya Mutsvene. Ngatishingaire kubatira ISHE

263Tofamba munziraRCZI

Verse Tofamba munzira yakaoma, Kuno musha wokudenga. Toti (Hareruya) x4 Tiri vaeni isu panyika ino, Tino musha wokudenga. Toti (Handei tose) x3 kuna Jesu. lsu tineurombo nehama dzedu, Dzinogara muzvitema. Toti (Uyai mose) x3 kuna Jesu.

264Famba naSHE Famba naSHE Jesu.RCZI

Verse 1 (Hareruya) Famba naSHE Famba naSHE Jesu. 2 Tendai ISHE. 3 Fadzai ISHE. 4 Vimbai naSHE. 5 Namata SHE. 6 Bata naSHE. 7 Batira SHE. 8 Paridza SHE. 9 Kudza ISHE. 10 Gara naSHE.

265Mosi, kumura tsapata dzakoRCZI

Verse Mosesi, kumura tsapata dzako, Nokuti nzvimbo yauri itsvene. Enda wotora vana valsraeri, Ndini ndadaro SHE wako. Mosesi, kumura tsapata dzako, Nokuti nzvimbo yauri itsvene. Shamwari titerere inzwi raMwari, Iye unotitungamira. Mosesi, kumura tsapata dzako, Nokuti nzvimbo yauri itsvene. SHE unosunungura unomutenda, Utende Jesu shamwari.

266Jehovah wakati, AbrahamaRCZI

Verse Jehovha wakati, Abrahama, Chienda kugomo reMoriya, Uchitora Isaka mwana wako, Mwana mumwe chete. Wakafamba mazuvа matatu, Vakaona gomo reMoriya. Vakasvika ipapo pagomo, Vakakwira imomo. KOROSI Zviro huni tinadzo Nebangawo tinaro, Ko gwayana rechibayiro ripi? Zvinoiswa naSHE. Vakaronga mabwe eartari Vakaisa huni pamusoro. Wakaudza Isaka mwana wake Kuti iwe ndiwe chibayiro. Bambo zvino vakasunga mwana. Mwari akati regedza mwana Tarira kwakakufuratira, Gondohwe raivapo.

267Jona enda kuNineveRCZI

Verse Jona enda kuNineve, Ndizvo zvakarerwa Mwari. (x4) Asi Jona wakatiza, Akasaterera Mwari. (x4) Dutu guru rakamuka, Vomuchikepe vakatya. (x4) Asi Jona anga avete, Muka, Jona unamate. (x4) Vakazokanda mujenya, Jona ndokubatwa nayo. (x4) Vakamukanda mugungwa, Zihove rakamuminya. (x4) Mwari wakamuponesa Jona ndokuzoterera. (x4) Kana tisingatereri, Zita raSHE rinomhurwa. (x4) Nesu ngatimuteterere, Mwari uchatiponesa. (x4) Muka Jona uterere. (x5)

268Yakanaka Vhangeri.RCZI

Verse Yakanaka Vhangeri. Ine simba Vhangeri. Yoponesa Vhangeri. Ngatitende Vhangeri. Paridzai Vhangeri. Shingirira Vhangeri. Ngaiende Vhangeri.

269Muchenjeri wakavaka imba yakeRCZI

Verse Muchenjeri wakavaka imba yake paruware (x3) Mvura yakatsvotsvoma. Mvura yakanaya ukava murove, lmba yakamira dzi! Benzi rakavaka imba yaro pajecha (x3) Mvura yakatsvotsvoma. Mvura yakanaya ukava murove, Imba ndokuzoti, bhu!